Kukurukurwa kwa Some Kind Of Childhood na Prof Robert Muponde

Musi weChina 9 Gunyana, 2015 Muzvinadzidzo Robert Muponde vakatura bhuku ravo rembongororo yeuvaranomwe hwemuzimbabwe iro rinodaidzwa kunzi Some Kinds of Childhood: Images of history and resistance in Zimbabwe  literature rinova rakatsikiswa neWeaver Press muZimbabwe. Vanyori nembongorori dzeuvaranomwe muZimbabwe dzakaungana kuzonzwa munyori achitaura nezvebhuku rake uyewo dzimwe mbongorori dzeuvaranomwe muZimbabwe dzinoti Muzvinadzidzo Rosemary Moyana naTanaka Chidora vachikurukura nezvavakaona pambongororo yeuvaranomwe kuchishandiswa vana vadiki.

Musi wa11 Gunyana vhiki rimwero kuUniversity yeZimbabwe kwakatura boka ravana vanofarira zvokunyowra rinodadzwa kuti UZ Department of English Creative/Press Club. Pasina nguva boka iri rakabva ragona kukwezva Muzvinadzidzo Muponde kuti vataure nezvekumongorora uvaranomwe izvo vakaita vachiverenga kubva mubhuku ravo. 

Zviri pasi ndiyo mifananidzo yacho kubva kumutambo wakaitirwa kuUZ.
Spiwe Harper-Mahachi apo agere nomudzidzi wepaUZ Ruby Magosvongwe ari nechekumuchete kurudyi vachitwerera Muzvinadzidzo Muponde vachiverenga kubva mubhuku ravo. Mufanannidzo naTinashe Muchuri.


Pazasi:Tanaka Chidora achiterera Muzvinadzidzo Muponde vachiverenga kubva mubhuku ravo pamutambo weUZ Department of English Creative/Press Club:Mufananidzo naTinashe Muchuri.




Comments

Popular Posts