Kuremekedza Magamba

Mumwedzi waNyamavhuvhu muZimbabwe ndiwo mwedzi watinenge tichirangarira magamba akarwira rusununguko rwenyika arere kunzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira avo vakavigwa panzvimbo dzinovigwa magamba, vakanyangarika, vakadyiwa namakava namagora uye vakaradzikwa muzvikuvasingwi.

Mumwedzi waNyamavhuvhu musi wa27 gore rino vose vane chekuita nezvemabhuku vaiva mukusuwa muZimbabwe mushure mekushaikirwa nemhizha dzamazwi mbiri idzo dzakati imwe ichishaika svondo yadarika imwe ichibva yashayawo svondo yaitevera uri musi weSvondo mumwedzi waChikunguru.

Senzira yekurangarira hama mbiri idzi, vose vaiva vaungana kuzokurura nezvemabhuku muimba yeGreat Indaba pamusha unogashira vaenzi weCrowne Plaza Monomutapa vakaremekedza vaviri ava nekuvapa maminitsi maviri erunyararo. Mumaminitsi maviri aya vanhu vakamira ndokunyarara vachiremekedza basa rakaitwa navanyori vaviri ava.

Chenjerai hove aizivikanwa nekunyora mumapepanhau akapararira nenyika uyewo kunyora mabhuku akaita saBones, Ancestors, Shadows, Red Hills of Home nemamwe mazhinji. Uyu Freedom Nyamubaya anozivikanwawo nenduri dzake mumabhuku anori, On the Road Again naDusk of Dawn.

Vaviri ava vakandishamisa nyaya yekutisiya musi weSvondo uye vose ndaiva ndapedzesera kuvaona vachidavadika panzvimbo yeBook Cafe. Hove ndaiva ndapedzesra kumuona ari sarungano paOld Book Cafe ichiri pamusoro paOK Car Park pazvitoro zveFife Street achiita runyaya ruya rwetsoko yaikwira mudenge umo yakazopedzesera yava mudenga-denga yava kuonekwa navanhu vakawanda-wanda. Musiyo magetsi akadzima tikazopedzesera kunzwa ngano iyi muchiedza chamakenduru. Raiva gore ra2001. Uyuwo Nyamubaya ndainde ndapedzesera kumuona paNew Book Cafe yava kuwanikwa panosangana migwagwa Samora Machel Ave naSixth Street pa139 Samora Machel. Musi wa27 March achindura nduri dzake pamutambo wekurangarira nduri pasi rose.

Svondo, Book Cafe, vose ndokurangarirwa zuva rimwe paZimbabwe International Book Fair musi mumwe.

Vamwe vaiva muGreat Indaba. Mufanikiso naTinashe Muchuri, muHarare, 2015.
Steve Chifunyise anoonekwa achiremekedzawo vanyori magamba mundima yekunyora aya. Mufananidzo naTinashe Muchuri, muHarare, 2015.
Memory Chirere naMashingaidze Gomo vanobatana vavamwe vari mundima yamabhuku kuremekedza magamba ekunyora. Mufananidzo naTinashe Muchuri, muHarare, 2015.
Vamwe vane chekuita nekunyorwa, kutsikiswa, kushambadzwa, kutengeswa nekuverengwa kwemabhuku  vachirangarira magamba ekunyora aya. Mufananidzo naTinashe Muchuri, muHarare, 2015.





Comments

Popular Posts