Zvandakakudira



Handina kukudira kukukanda mbama
Kana kukukava nenhaura
Kanapo kukudema nemusoro
Asi kukupa rudo rune mupfunga

Handina kukudira kukusvitsa mavi
Kana kukuseura makobvu
Kanapo kukusundira neazere unye
Asi kukupa wangu wakapfava mwoyo

Ndakakudira kuva wako
Kuti iwe undiremekedze
Ini ndichikupa rudo ruzere
Kwete kukupamhadza namambama.

Comments

Popular Posts