Ndinomuwanepi



Ndiri kumutsvaka siku nesikati
Ndakamboenda kwamadzibaba yeyo zvikanzi naivo anzwa kureva kwangu asvika kudenga
Hama neshamwari ndakapesaniswa nadzo zvaporofitwa kuti ndivo vaitadzisa budiriro kwandiri
Ndikaenda kwamuvhangeri yekera kwandkasvikonzi minana uchaita yokuramwa
Chose chawabata chichava chako
Zvose zvawataura nemuzita ramwari wangu unochigashira
Mazuva akava svondo svondo dzikava mwedzi mwedzi ikava gore gore ndokuva makore
Maziso ndakasvunura ndakaringa kugarira guyo sembwa chokwadi
Ivo vachingotora zvedu varombo zvatainzi mukawedzera kupira zvinodzoka zvawanda
Ndakazoti ndagara pasi ndiye kunun’unu kufunga, ndomuwanepi Mwari wangu?
Asiri mwari wamuporofita nhingi kana wamuvhangeri yekera asi Mwari wangu
Ndomuwanepi Mwari wangu asingagari mukereke yanhingi asi anogara mumoyo mangu?
Ndakanzwa zvichinzi, mumoyo mako ndimo ari, mumoyo mako ndimo ari
Kana nengoma ndakanzwa yorira ichiti, mumoyo mako ndimo ari, mumoyo mako ndimo ari
Kana nehosho ndakanzwa dzichichekecha dzichiti, mumoyo mako ndimo ari, mumoyo mako ndimo ari
Kana hwamanda yakadairirawo ichiti, mumoyo mako ndimo ari, mumoyo mako ndimo ari
Ndakanzwa neni ndoimba ndichiti, mumoyo mangu ndimo ari, mumoyo mangu ndimo ari
Newewo dai waiziva kuti, mumoyo mako ndimo ari, mumoyo mako ndimo maari
Waitoimbawo uchiti mumoyo manyu ndimo ari, mumoyo mangu ndimo ari
Ukasiya zvokutenderera uchitsvaka Mwari ari mauri

Comments

Popular Posts