Boxing Day



Parakasvika kwedu shoko rinenge rakapotsa zvirevo
Rakauya richiti musi iwoyu ndiwo wezvimbokoma
Kana vanhu vapemberera kisimusi zviya fume mangwana zvava zvimbokoma
Kwakutotarirana mugano
Vemhiri kwerwizi kuno kwedu musasvika
Kana nemi vemhiri kwemugwagwa kwedu kuno kanganwai
Makashaya zvitoro siyai tinwe nokutamba yedu mimhanzi tega
Wadambura mugwagwa ndiyo tsvimbo mugotsi kindi
Wayambuka rwizi ndiye chibakera pamatsenganzungu ndee
Kuzobuda kwezuva remakumi maviri nemanomwe aZvita muromo chonge churu
Zvichida kana meno akasarapo pataundishipi agwazwa nechibhakera
Imwe nguva mweya kutobuda kusiya hama nekuti iBoxing Day

Zvino vamwe zvakazotijekera zviya zvataiita handizvo
Uyu musi wekuavhura mabhokisi atakapiwa nehama neshamwari
Zviya vachipembedza kuzvarwa komugoveri weupenyu nazvose zvakanaka
Mukufara tichirangarirana kuti honai vekwedu vatiitira zvakanaka
Chokwadi here ndiyo zvutu yandatengerwa nedangwe rangu iyi
Apawo honai mudzipanyota wacho kuyevedza kani
Kwetezvo  zvokukunga zvibhakera kunge taundishipi yava ringi yemutambo wetsiva
Ridzai mimhanzi tipemberere kuyeukwa kwataitwa nehama neshamwari
Mumwaka wekupembera kuzvarwa kwegota

Comments

Popular Posts