Kubatana sembizi

Photo by Tinashe Muchuri



Chii chinganzi chakabatana
Amai vakabatana
Sisi vakabatana
Basa rakabatana
Upenyu hwakabatana
Kudarika mbizi?

Ndatendrera kutsvaka kuurungana
Kana irwo runako rwemavara
Ndashayayo mhuka inenge iyo
Ine mutumbi unoyevedza kuona
Kunyange nevashanyi
Isingasvotesi kunyange vagara vachiiona
Kunze kwaiyo mbizi
Kubva nhasi ngatisheedzere pamwepo tichiti
Kubatana sembizi

Comments

Popular posts from this blog

Chiuno Hachina Murombo Muzukuru