Yakaendepi Kisimusi?



Ava makore mazhinji ndichishaya kisumusi yandaitamba kare
Hameno akatora mufaro uya wakaiva nawo zviya kumafuro
Musi wekisimusi zviya tichitemana nemafete kwataipfudza mombe
Pasina kana umwe aiti muri kutambisa kudya
Nhasi mwana kudoinhedza fete rimwe kunge riripo ziso dvuku naye dzvoko
Zvoita kunge apisa dura rudo nemufaro kutama kunge mabearer cheque
Kana zviya zvataiita zvokuti misha yemana tinopotedza tichidya zvabikwa
Nhasi kuonekwa mumisha yemana zvonzi unokwata
Kukwata musi wekisimusi here chokwadi
Uya mweya wekugoverana zvatinazvo musi wekisimusi kwawakatamira ndashaya
Tangova rumwe-rumwe semakudo sehuku dzapandatswa negondo
Uyo nepapo kungotenderera aripo kutya kuudzwa kukwata
Kwakaendepi kufarira kisimusi kwataiita kuya zviya tichipwere
Kanawo navakuru vachitenderera nemwana kunwa nekudya zvisina mubvunzo
Chete pada chinonzi kisimusi ndicho chakatama
Kare rwaiva rudo, kugoverana nekufara pamwechete
Nhasi kwava kunyima, ruvengo neundoga
Kana mandiona ndasvika kwenyu musandikandira mavi
Handis kukwata asi kuronda kisimusi yandaiziva zuro
Kufungawo kuti pada ndichawana paruzere rudo
Irwo runozadzisa nekudya namafaro
Mana redu rigotekeshera nekuyanana saiho chido
Chaiye ane zuva ratinopemberera tichidya nekunwa.

Comments

Popular Posts