Ticha vanoti



Ticha vanoti
Vuyai nevana kwandiri
Muvhuro, Chipiri, Chitatu, China neChishanu


Nditambe navo
Ndichivavhurira nzira yokufamba nayo
Nokuvatambidza mwenje weupenyu unova dzidzo nezivo
Zivai vana havazi venyu ndevenyika
Wazvara mwana wazvarira vamwe
Mwana anoyarutswa nemana
Huyai nevana vavandudze nharaunda dzavo
Nyika iwane pundutso kubva mune avo mabasa

Ticha vanoti,
Imi munopfigira vana mudzimba kuti vasaonekwa  navanhu
Kana kutamba navamwe
Vuyai navo kwandiri
Nditesve utosvo hwavo
Vagova vatari vemifananidzo, vavezi, vavaki, vaimbi,
Magwenyambira, maridzangoma, negwenyautare
Musavarege vachikura vasingazivi kuti dzidzo ndiyo nhaka
Wava nayo wawana upenyu
Vaunzei kuzvikoro, makoreji, nemayunivhesiti
Kuti vagova magweta, vachuchusi, machiremba
Uye vadzidzisi vamwe vavo pamwe nevamwe vakaita semi
Iyemi musingagoni kuverenga zvi nyorwa neminwe uye kutaura nezviratidzo
 
Ticha vanoti,
Vonai vana kwete hurema
Mumba hamugari maziso munogara munhu
Chikoro hachidzidzwi nenzeve chinodzidza ipfungwa
Humhizha hausi hwemaoko chete kana muromo unoumhizha
Ndiko saka ticha vachiti huyai nevana kwandiri
Muvhuro, Chipiri, Chitatu, China, Chishanu
Ndivatambidze mwenje wavo
 Ivo  vagova vakazvimirira pachavo kwete kuzendama pamuri
Vagova shasha pakuratidza zvavanogona
Nemiwo mugoona  vanhu vanogona kwete hurema huri pavari



United Nations' International Day of Persons with Disabilities 2013



Comments

Popular Posts