When Angels Weep/Kana nengirozi dzinochema




Mutambo wakanyorwa naBlessing Hungwe unotaura nezvekushungurudzwa kwavanasikana nenzira yekutengeswa vachinoshanda mabasa echipfambi kunyika yeSouth Africa. Ichi chinhu chava kuitika nguva dzakawanda muZimbabwe. Pane imwe nguva yatinoverenga mumapepanhau evanasikana vamwe vanozonzi vakauraiwa kune dzimwe nyika dzakatikomberedza, sakiso yekuti vasvike ikoku iri yekutiza nzara urombo nenhamo. Asi mukupedzesera unozoona kuti wafanana netsanga yebarwe yabuda mugango ichiwira muchoto. Blessing Hungwe uyo anozivikanwa neumwe mutambo wake wakatora mubairo weNAMA 2011 Best Outstanding Theatre Production unonzi 'Burn Mukwerekwere Burn' uyo unotaura nezvekurwiswa kwaiita vatorwa vainge vaenda kunotsvaka mafuromanyoro kunyika yeSouth Africa nevagari venyika iyi, akanyora uyu mutambo nenzira inosiririsa chose. Mutambo wake uyu unoburitsa rufu, nzara, kutambudzika, kurwadziwa, nhamo, kumbunyikidzwa, kupambwa, kubhinywa, zvirwere, marwadzo, kudzvinyirirwa, uyewo hupfambi.
Mumutambo uyu tinoona mutari wemufananidzo anotambwa naMichael Kudakwashe achitaura nezvekuda kutara mufananidzo weupenyu hwaSarita. Sarita musikana akatorwa kubva kuruwa rwake achivimbiswa kudzokera kuchikoro nababamunini vake Tito avo vanozomutengesa kumuIndia aiita basa rokutungamirira nzanga yepfambi kuSouth Afrika. Sarita atengeswa anosara achiita basa rokufadza varume pabonde avo vanenge vapaGupta mari. Iye sezvo ainge apambwa haaigona kutiza kubva panzanga yepfambi iyi. Sezvineiwo anozongoshamisika kwapera makore gumi nemanomwe achizosunungurwa ndokunzi adzokere kumusha. Paanosvika kumusha anowana babamunini vake Tito avo aifarira zvikuru vava ivo mumiriri weparamende wenharaunda yavo uyewo vava kunzi ndivo ishe wedunhu ravo. Nharaunda yaSarita yainge yasanduka zvokuti kwakanga kwatovawo nemigwagwa ine tara. Asi izvi zvose zvaisakiswa nekutengeswa kwevanasikana kunzanga dzepfambi dzekuSouth Africa.
Uyu mutambo unotambwa nenzira ine unyanzvi zvokuti vanouona vanonakirwa nawo. Unoburitsa musiyano uripakati pawo neimwe mitambo yatinomboona mune dzimwe nvzimbo dzinoitirwa mitambo yekuedzesera apo unoona vatambi vachingomhanya mudariro zvokuzosvika pakutsiurwa nekambo kaOliver Mutukudzi, 'sei kupaparika sehuku inopenga (Why paparapara like a crazy chicken, pfava)'. Mumutambo uyu unoona nyaya ichibhedhenuka zvakanaka apo unoona Sarita achitaura neumwe wake, zvakare neapo Sarita anotaura naBabamunini vake Tito, uyewo kuseri vanoisa mutinhimira kumutambo vachinyatsopindirana. Iyi nyaya haitaurwi naSarita bedzi, asi inotaurwawo nababamunini Tito, mutari wemufananidzo pamwe naSarita nababamunini Tito panguva imwechete.  Izvi zvinoratidza hunyanzvi hwemunyori.
Nyaya iyi inodzidzisa zvakawanda chose. Zvimwe zvidzidzo zviri pamutambo uyu ndezvekuti apo tinenge tichitambira vanhu vanounza budiriro kumatunhu ekwedu, tinofanira kungwarira kuti vanhu ivava hapana zvimwe zvavari kutibira zvakakosha here. Kunyange tine nhamo neurombo kana nzara chaiyo, tinofanira kufungisisa tisati tavimba navo nokuti tinogona kuzounzirwa budiriro yeropa ravana vedu vachirikukura avo vanenge vachiendeswa kundopedzera simba nembeu dzavo mumabasa asingaunzi mufaro mumusha medu asi kusuwa. Vanasikana venharaunda yaTito vanowanikwa nekuparadzirwa rudzi nokuda kwaTito.
Zvakadaro hazvo munyori wemutambo uyu anofanira kukurudzirwa kuti aenderere mberi nokunyora mitambo nokuti paari pane tariro yebudiriro mune zvemitambo yekuedzesera. Chidiki chandinofunga uye chandinoona hangu sokuti chingada kuzogadziriswa ringangova zvaro izwi remunhu asina kudzidza rinodzoka rondoti gakei zvishoma. Sarita akatorwa asina kudzidza uye kunzanga yepfambi kwaaigara kwaisakurudzirwa chikoro asi kufadza varume pabonde. Asi ukanzwa madzamire akaita mutauro waanoshandisa unozoona kuti wakadzama zvokuti waifanira kunge uchitaurwa nomusikana akamboenda kuzvikoro zvemari yekuwanda, kana kuti akasvika kuyunivhesiti ndokuzokurirwa neiri rekushaikwa kwemabasa ndokuti chiregai ndindotsvaka mafuromanyoro. Sarita anobva aburitsa pachena magonero anoita munyori wemutambo uyu chiRungu. Munhu asina kudzidza saSarita anotaurawo chirungu chisina kunyatsotsetseka. Ndingangoti ndicho chega chimende asi aiwa mutambo uyu, unoda kuonekwa nemunhu wese anoda kuona mutambo wakanyatsorongwa. Mutambo uyu uchange uchiitambirwa kuTheatre In The Park kusvika musi wa15 Gunyana 2012 usati warova nhetserwa wakananga kuIntwasa Arts Festival koBulawayo kundovaraidza vagari veko uye avo vose vane chido neshuviro yekufadzwa nemitambo yekuedzesera..

Comments

Popular Posts