VaMugabe vakapiwa mukombe

Mutungamiri wenyika yeZimbabwe VaMugabe vachipa chidzidzo chinokosha pakuvhurwa kwezviratidzwa zvetsvagurudzo neutosvo zvemugore rezviuru zviviri namakore gumi nemaviri kuHICC. Mufananidzo naMasimbaNgondonga
Mushure mekupa chidzidzo chakakosha pamutambo wekuvhurwa zviripamutemo kwezviratidzwa zvetsvagurudzo, neutosvo muZimbabwe zvegore rezviuru zviviri nemakore gumi nemaviri (Research and Intellectual Expo 2012), VaMugabe vakatambidzwa mukombe sechipo chekuratidza hunyanzvi hwavo mune zvetsvagurudzo neutosvo kubudikidza nechidzidzo chavo chakatora maawa anopfuura matatu icho chavakapa kuvadzidzi vekumakorichi, mayunivhesiti pamwe nevamwe vakokwa vanoremekedzwa vaivapo. Chidzidzo chaVaMugabe chaibata nharaunda dzakawanda dzinosanganisira zvedzidzo, tsika namagariro, zveutano, zvehunhu, zvekuumba hupfumi, zvevadavadi nezvimwewo zvakadaro. Chidzidzo ichi chaiva nenheyo dzacho kubva pakuita kwaMbuya Nehanda musi uyo wavamba kubhabhatidzwa kuti vafe vave mutenderi weChikristu.
Mune zveudavadi, VaMugabe vaiti, "Kudzidza hakuperi. Benzi ndiro roga rinoti zvino ndazodzidza zvakakwana zvokuti handichada kudzidzazve nokuti hapachina chandisingazivi. Hazvina basa kuti una madhigirii mangani, unoramba uchingova mudzidzi. asi zvino zvava kuda kutarira kuti ndeipi mhando yedzidzo yakanakira nyika uye nderupi ruzivo rwekushandisa mumabasa rwodiwa nenyika parinhasi."
Vakaenderera mberi vachitaura nyaya yekuti mayunivhesiti haafaniri kungopomerwa mhosva yokusasumudzira nokuvandudza dzidzo munyika nokuti hurongwa hwedzidzo hunorongwa zvichabatsiranwa naavo vane zvinzvimbo zvepamusoro muhurongwa hwehurumende. "Zvino kana vane masimba vacho vane ruzivo rushoma zvinosakisa kuti kudzidza kuve dambudziko," vakadaro vaMugabe.
Vakataurawo kuti vanoda kuti senyika tivanduke mune zvinechekuita nehudavadi hwakasiyanasiyana. Vakanyanyosimbisisa pane zvekudetemba nezvezvekuimba apo vaiti, mayunivhesiti haafaniri kungodzidzisa kana kuva nehurongwa hwedzidzo yokudzidzisa vana vanozoshandisa dzidzo yavo kutsvagisa basa, asi anofanira kuvawo nehurongwa hwekupawo zvidzidzo kune avo vanoda kuzoshandisa dzidzo yavo mumabasa avo okuzvishandira.
Vakagoveranawo nevanhu ruzivo rwavakawana apo vakashanyira nyika yeChina kekutanga mumakore mashoma nyika ichingowana kuzvitonga apo vanoti ivo tinofanira kutevera gwara iri iro rinoti, 'tikwerete ruzivo rwakanaka kubva kune vakatikomberedza, kana takwereta kudaro todzidza maitiro avo, tanyatsodzidza tobva tazvivandudza kudarika varidzi vakazviita,' izvo zvinova zvakaitwa neChina. Vakambosetsa vanhu apo vaiti vakaverenga mupepanhau kuti mutungamiri weGermany aienda kuChina kundotsvaka rubatsiro rwemari kuedza kugadzirisa hupfumi huri kuzhekezheka. Vakabva vati, "Isu taitarira kuEast asi ivo vava kuenda kuEast." Vakakurudzirawo vadavadi kuti vasangosara shure asi vanofanira kukwereta zvidavado zvinoitwa nevadavadi vamamwe marudzi nedzimwe nyika zvokuvandudza hunyanzvi hwavaimbi pamwe nekudzama kwehudavadi hwenyika yedu. Vakatoseka kuti vanhu vachiri kungoramba vachishandisa vanaChaucer muzvikoro uyo anova munyori wechiRungu wekare pane kuti vashandisewo uvaranomwe hwemuno hwakanyorwa zvinounyanzvi hunodarika hwanaChuacer. Mashoko avo aya anogona kuzadziswa chete kana kukava navanyori vanosumudzira uvaranomwe hwemuZimbabwe nekukwereta zvidavado kubva kune vanyori vemamwe marudzi.
Vakataurawo nyaya yekudzidzira basa mudzidzi achitoita basa racho (apprenticeship) iyo yakambovirikira zvikuru apo Zimbabwe yainge ichangowana kuzvitonga. Ndakaonawo kuti kundima youdavadi ndiko kuri kushandiswa mhando yekudzidza iyi zvakanyanya asi zvakare inofanira kusumudzirwa kuitira kuti zvehudavadi zvirambe zvichisumukira nekuvandudzika. Vashoma vanyori vemuZimbabwe vakawana zvidzidzo zvekunyora nyaya, mabhuku nezvemitambo, vazhinji vavo zvakabva muchido nechipo chekunyora. Vanyori vanhu vanoda kutaura nyaya izvo zvinozoita kuti vangonyora zvichibva pasi pemoyo yavo. Asi ndivo vanonzi naVaMugabe vanochifanira kuverenga zvavamwe kuitira kuti vavanduke makunyora kwavo uye kuti vasasarire kumashure nguva dzose.
Vakabatawo nyaya yemabhuku epadandemutande zvichenzaniswa nemabhuku edu ataiziva kare. Vakati ivo, "Bhuku rinosiya matsimba mundangariro dzomuverengi zviranane kudarika kombuhyuta " Sokuona kwavo "Zvaizonaka kana kushandisa bhuku sokuriziva kwedu kwakare kwaingoitwa kuti kufambidzane pamwe nokuverenga bhuku pakombuyuta." Ipapa vakabva vabata nyaya yokuverengwa kwamabhuku navana vamazuva ano avo vavaiti vanongoda kutamba mitambo yepamakombuyata vasingaverengi mabhuku anovapa ruzivo. Vakawedzera vachiti zvizhinji zvacho zvinoverengwa apa hazvina kana nemusoro wose. Vakati vana ava vanongoverenga mabhuku kunge chete vavakunyora bvunzo kana kuti vapiwa basa rokuita kumba kubva kuchikoro. Nguva yavo zhinji yava yekuona zvacho zvavanorambidzwa navabereki kuti vasaona kunyanya kana vabereki vavo vasipo. Vakashumbawo kuti dai nyika dzapasi rose dzagara pasi kuti pawanikwe nzira ingaitwe kuti paongororwe zvinoiswa pamadandemutande zvichizoonekwa nevana nokuti imwe yemifananidzo yacho haivaki munhu.
Ndipowo pavakabva vangobata nyaya yehunhu hwevanhu vemunyika vachiti vazhinji vane masmall house avo kunyange ivo havo vasingazivi kana ari maduku zvechokwadi sekutaura kwavanhu. Vakakurudzira kuti vanasikana vasangova dorawatora uyewo varume vasiyane nenyaya yekusada kupfuurwa nemarokwe vachiti vaidisa chose kuti vanhu venyika ino vave nehunhu kuitira kuti vagovaka nyika vari vanhu vane hunhu hwakanaka. Vakatiwo hunhu hwemunhu hunobva kuvabereki, kuzvikoro zvatinodzidza, vakuru vari munharaunda dzedu, kudzikereke kwatinosanga, saka naizvozvo zvikoro zvedzidzo yepasi kusvika kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvinofanira kuita basa rokuumba munhu azere. Pamusoro pazvo vakati zvikoro zvinofanira kuumba munhu anodisa chose kudyidzana navamwe vanhu, munhu anoda kushandidzana navamwe vanhu, anoda kuumba makambani akabatana navamwe kwete kuita Karikoga negumi rake remiseve. Vakazodzokororawo mashoko omudzidzisi wavo uyo akavadzidzisa vachiti akati, 'Ukasima chiito, unokohwa muitiro. Ukasima muitiro, unokohwa hunhu. Ukasima hunhu, unokohwa rombo rehupenyu.' Vakabva vapedzisa vachiti nesuwo ngatione kuti tasimei muhupenyu hweavo vachiri kuyaruka.

Comments

Popular Posts