Raramai sezvamunotaura, vadavadi vanokurudzirwa naVaMari



Picture by FUNGAI FOTO


Mutungamiri weNational Arts Council yeZimbabwe VaElvas Mari, avo vaiva muenzi akakosha pakuparurwa kweguwerere rehudavadi reYoung Africa Arts Festival(YAAF) kuChitungwiza nomusi wa1 Gunyana 2012, akati vadavadi vanofanira kurarama zvavanotaura nehudavadi hwavo. Vakataura kudai apo vaitura mashoko avo semuenzi anoremekedzwa paguwerere iri iro raiitwa pasi pedingindira raiti, 'Pemberera upenyu - ziva kodzero dzako dzepabonde nedzehutano hwechibereko (Celebrate Life- Know your sexual and reproductive health rights)’.  “Mashoko angu kune avo vose vanoita zveudavadi, ndeekuti, murarame zvamunoparidza. Ndinodaro nokuti nguva zhinji tinoviga vadavadi vange varivo shasha dzokushambadza nezveHIV/AIDS. Chinonetsa ndechokuti ivo vacho vanenga vari pamberi pakushambadza ndivo zvakare vanozorigwa nacho. Tinofanira kushandura hunhu hwedu hune chekuita nezvepabonde. Ngatirarame zvine hunhu hwakanaka uye tishandise kodzero dzedu dzine chekuita nezvekubara pamwe nezvepabonde.” Vakadaro VaMari vachikurudzira kuzvibata pakati paavo vose vanoita zvehudavadi. Zvinodzimba sei kuti munhu anotsiura vamwe kuti vasiyane nekuita hunhu husina maturo ndiye otorwa nechacho chaanenga achiti vamwe musaita?
Vakarumbidzawo Young Afriva Centre iyo iri mumusha unogara vazhinji weChitungwiza nebasa guru rayiri kuita mukukurudzira nokudzidzisa vechidiki mabasa akasiyanasiyana emaoko ayo anozounza budiriro kunyika. Pamusoro pazvo, inotsigira guwerere retsika namagariro avanhu reYAAF. Vakati ivo, “Vanhu vose vari pano ngatisangonakidzwa chete nemimhanzi, nhetembo, mitambo yekuedzesera nezvimwe zvose zvichaitwa pano, asi ngatidzidze nokuti zvose zvichaitwa pano zvine zvidzidzo. Vakuru vepaYoung Africa Centre vaona zvakakodzera kuti vavandudze zivo, nokushandisa nyaya dzezvemitambo netsika kuti vasumudzire nyika kubudikidza nomuvadiki vachange vachiratidza zvipo zvavo pano.  Ndinovimba kuti muchatora dzidziso yakakosha yakadai mugoishandisa kuvandudza upenyu hwenyu.”
Vakaenderera mberi vachiti, NACZ inokoshesa kushandiswa kwezveudavadi, mukuumba tsika nehunhu zvakanaka.  “Ndinotarisa kuti zvamuchanzwa nokuona pano zvichaumba hunhu hwakakanaka hunoumba nyika kana muchinge makura. Muvewo vakashanduka, vane gwara rakanaka rekuumba nyika.”  
Vakazotivo, kana mudavadi azosvika pakubvutwa norufu, haachafaniri  kuvigwa semunhu asingakoshi nekuti National Arts Council  yeZimbabwe inotungamira chirongwa chekuvigwa kwevafi vanokosha chinodaidzwa kunzi, Celeberity Cover. Vadavadi vanokurudzirwa kubhadhara madhora makumi mashanu ekuAmerica (US$50, 00) vobva vatopedza izvo zvinozovapa kuva vakachengetedzeka kana vachinge vafa. Hurongwa hwekuviga vafi uhu mubatanidzwa pakati peNACZ neCell Funeral Holdings. VaMari vakakurudzira kuti avo vose vasati vapinda muhurongwa hwekuvigwa uhu vapindewo mahuri vasazosekwa kana vachinge vafa vachipomerwa mhosva yekuva vasina kurongeka. Nyaya yekupinda muhurongwa hwekuvigwa wafa yakakosha chaizvo nekuti nguva zhinji vamwe vadavadi kana hama dzevadavadi dzinozoita mudememudeme kuti afa avigwe asi iye anga ari munhu akakosha kudaro muhupenyu hwevanhu nenyika. Izvi zvinozoita kuti vanhu vaone sekuti ndima yehudavadi inopindwa nemarombe.    
VaMari vakazotenda avo vakatsigira guwerere reYAAF iri avo vaisanganisira, EU, SAFAIDS, Culture Fund of Zimbabwe pamwe nehutungamiri hwekanzuru yeguta reChitungwiza. Vakazokurudzirawo varongi veguwerere reYAAF, kuti vadaidzewo hutungamiri hwenharaunda yavo hunosanganisa vamiriri veparamende, makanzera, navezvemabhizimisi emunharaunda iyi kuti vazvionerewo mabasa anoitwa nevanhu vemunharaunda yavo pamwe nevamwe vanenge vakakokwa.
Mushure memashoko akakosha aVaMari, kwakazova nokuimbirwa nziyo naJigaz, Micky D, pamwe nemakwikwi emutambo wekuedzesera pamwechete nanaNyanduri.  Varongi veguwerere iri vanofanirawo kugadzirisa nyaya yaapo vadavadi vanenga vachiitira hudavadai hwavo. Dariro rinoitirwa hudavadi iri kure zvikuru neavo vanenge vachiita hudavadi hwavo zvokuti zvinoita juti vadavadi vaone vanhu sekuonekwa kunoitwa zvinhu neshiri iri mudenga izvozvinozokanganisa kudyidzana kwakanaka kwavadavadi nevakurudziri vavo. 

Comments

Popular Posts