Musashaikwa kugungano rananyanduri kuIntwasa/Intwasa Gathering of poets

Nhasi ndange ndiri paYGT ndichikurukura nyaya dzenduri. Ndaitawoka nduri iya inonzi ZVOKWEDU. ndikazoitawoka iya inonzi Pavi inova ndiyo inopendera zita rokuti Mutumwapavi. Mangwana ndinotakura CHIGARO changu ndakananga kuIntwasa uko ndinenge ndichidambura nduri ndinovaraidza nokutapidza vanhu. Kana uriko kuBulawayo huya pa GALLERY COURTYARD   uzipirwe. Dzangu nduri ndinokupodza mwoyo unorwadza ukasvika kuma uchingoseka zvokuti vanhu vanoti ko nhasi zvaita sei shasha yekugara yakafundumwara. Asi dzoda kuti ware here. Kamuridzo kanenge kanemi kuBulawayo. Izwi rinokwira richidzika rinenge rinemi kuBuruwayo. Ngatisanganei tifare tichipembera. Mutumwapavi anenge achinyandura pfungwa dzavanhu nenduri dzinondurika senyuchi kana mago amaombera.

Comments

Popular Posts