Durazivo Walter Lambert Dehwe Muparutsa


Muaya mashoko abuda mandiri mashoma
ndinorangarira durazivo Walter Lambert Dehwe Muparutsa
neyo ndima yatakasakura tose
uchindidzidzisa sora rinotemwa richizunzwa
nesora rinotemwa risingazunzwi
kusavanza chinhu kumunhu
kurarama upenyu navamwe
nhasi ndoziva kuti upenyu handi hwanguba
upenyu ndehwedu nokuti hugovanwa
kana ruri rudo
ndoziva kana ndichiri pano pasi
ipo pano pano pane ino nyika
harufaniri kusarura
chabikwa ndicho chaora
muenzi haapedzi dura
Samaita hamuna kugumira pamadzinza
kana paiyo nhoroondo pachikare
makandisunda mukandisvitsa muchitendero
uko ndakaziva rudo haruna shura nomunhu
chaipa chinonanga muridzi aripo
kwete kumuitira matumba kugotsi
kuverenga mhosho iye asipo
ndizvo zvamakati hakusi kuvaka asi kuparadza
ane shungu ndiye anodzidura kuna iye amutadzira
kwete kuita zevezeve nevasingazivi patadzwa nepaparirwa mhaka
Regai ndimbozororo nokuti misodzi yoshosha meso
Ndichasumudzira kana ndarerukirwa muhana
nokuti iwe mumvuri watama sarei zvino ndopiswa nezuva.

Comments

Popular Posts