Dai uri munhu Zimbabwe

ndaikuti ndiwe mai vangu
ivo vandisingagoni kuti handichada
kana kukuti baba vangu
vandisingagoni kudambura navo ukama
kana kukuti mbuya vangu
vandisngagoni kuti hazvichaita
kana kukuti tete
vandisingagoni kuti zvapera
nokuti hauna kukodzera kuva murume
nokuti kana waizochonywa navanyachide waindisiya ndakakatarira
kana kuti uve mukadzi
nokuti kana waizosangana nanachizhondamari waizondisiya ndakarivara
kudai uri munhu Zimbabwe
ungadai uri muzukuru akakunda mwana wekubereka
zvino zvawakazova nyika kudai
neni ndofara nokuti ndiri mambo
muridzi akasikwa neiri ivhu
ndosaka ndakada kusheedzwa ndichinzi mwana wevhu
chokwadizve ndiri mwana wako Zimbabwe
handikusiyi Zimbabwe
newe ndinoziva haundisiyi Zimbabwe
ndinokuda dzamara wanditambira zuva riya Zimbabwe
paya paunondimbundira nokusingaperi

Comments

Popular Posts