Ngatisanganei kuHIFA

Hama vadiwa ngatisanganei kuHIFA uko ndichange ndichidavadika ndiriko pamwe chete nevamwe vakuru mukudembatemba. Ndinenge ndiriko nanaAlbert Nyati, Biko 'Godobori' Mutsaurwa vachibatsirana neMANDO, Prince Shapiro, Oneness Sankara, Babra Breeze Anderson, Chiedza Musengezi, Sunniva Berg and Friends. Anenge ari makuwerere chaiwo. ukatadza kussika unosarira kuHivos Poetry Cafe uko tichange tichibika mutakunanzva wenhetembo dzekuUnited Kingdom, kuSouth Africa nedzedu dzomuno muZimbabwe. Huyai makagadzirira nzeve kugashira mutakunzwa uyu. Huyai tifare tose, tiseke tose, tivaraidzane, titandare, tirodzane mashoko. Musazoita zvekuudzwa kwete. Huyai muite nzwira pamuviri Tsvimbo yaova dapi. Tosangana pakati penguva dza2 na3 musi wa3May 2012 masikati, uye pakati penguva dza11 na12 mangwanani dzomusi wa5May 2012.

Comments

Popular Posts