Dai ndiri wekwaChimbetu

Ndinofara chose kuti vakomana vekwaChimbetu vakagona kuita mumwe noumwe chikwata chake. Zvose izvi zvinokudzwa. Zvinoita kuti musambo weDendera uenderere mberi uye utambanuke. Dendera musambo wakatirera. Takakura nawo uchitivaraidza. Zvino chinondidya moyo ndichochi chekuti kana vakomana ava vasangana mumazuva akakosha serekuzvitonga kuzere kana rokurangarira magamba nerokubatana kwemhuri yeZimbabwe ivo vanosarudza kuimba mumwe nomumwe amire ari ega nechikwata chake. Izvi zvinogwadza moyo wangu chose. Mhuri iyi zvayakagona kugara nhaka yakasiiwa navakatanga kudai vanotadzireiwo kuva mucherochedzo wakakosha kunyika wekubatira pamwechete mumazuva akakosha kudai aya? Eheka, kuti misi yakadai votiratidza hunyanzvi hwemhuri yavo mukuveza mimhanzi inovaraidza nokuvhura ndangariro ioyi vakabatana senzira yekupembedza mumhanzi weDendera. Hamuoniwo kuti vakagona kudai vanova mucherochedzo kune vamwe vakuru kuti kana vakadzidzisa vadiki vavo gwara rakanaka roupenyu vanozoita kuti nhaka yavo irarame. Zvino izvi zvoubvanzubvanzu zvinodzoka zvoita kuti kuve nemakwikwi. Makwikwi okuti ndoda kuwachisa nhingi. Ko pakupemberera panoda kuwachisana here nhai vanhu veZimbabwe. Kana ndiri seni zvangu ndinenge ndichida kunakirwa kwete kuona vanowachisana. Pafungei, kudai pa'Uhuru Open Air Concert' vakomana vekwaChimbetu vaive vakabatana pakuimba kambo kekuti, 'Vana veZimbabwe ngatibatanei ihi ihi, tikurire mhandu, Zimbabwe ihi ihi' handiti zvinopa mhuri yeZimbabwe kufara ichiona vakomana ava vachidavadika pamwe chete kusumudzira musambo weDendera. Hazvirambidzwi kuti mumwe nomumwe wavo ave nechikwata chake. Izvi ndizvoka zvinowanza sadza mumhuri. Kudai ndiri wekwaChimbetu ndaikurudzira vamwe vangu kuti 'Dunhu rino nderemhondoro, tinodya pamwe tichiseva pamwe',  kunyanya pamazuva ekucherechedza kubatana kwemhuri yeZimbabwe. Kana vakomana ava vakagona kudai izvi vachava mundangariro dzemhuri yeZimbabwe nokusingaperi. Hamenowo imi henyu kuti munozviona sei, asi ini ndaifunga kuti zvaizopa mucherechedzo wakanaka kuMhuri yeZimbabwe?

Comments

Popular Posts