Sei achinzi muroora

Kana neni ndainetsekawo kuti seiko mudzimai achinzi muroorwa nemhuri yekwaakaroorwa? Vanhu vazhinji vaindivhunza kuti sei achinzi muroora? Ndakaita tsvakurudzo iyo yakandisvitsa pane zviri pazasi apa. Zvishoma zvandakawana ndizvo zvandati tipakurirane pazasi apo. Ngatitandarei neChiShona.





Muroora


Kune vanhu vazhinji vanogarondivhunza kuti ko iro izwi rekuti muroora rakabva kupi chaizvo uye kuti sei iye muroora achinzi muroora iye ari munhu anotoroorwawo zvake? Nguva zhinji vanhu vaitemeseka musoro kuti chimbori chii? Vamwe vakava nepfungwa yekuti makare mudzimai ndiye aimbobhadhara fuma kuvabereki vemurume kusvika zvazosandurwa nekufamba kwenguva. Aingova mafunga mafunga kusvika tazosangana nechokwadi ichi.


Duramazwi Guru reChiShona rinodudzira muroora richiti, “Mukadzi wemwanakomana wemhuri.” Uye rinotiwo anogona kudaidzwa namamwe mazwi akafanana neanoti makoti, muzakazi kana kuti munyamwana.


Vanhu vanodaidza mukadzi wemwanakomana wemhuri kuti muroora ndivo vanoti, hanzvadzi dzemurume wake avo vaanodaidza achiti vana tete, mai vemurume avo vaanodaidza achiti vamwene kana imwe nguva kunemera achiti achivati muroora nekuti kana abara mwanakomana vanenge vachimuti murume wavo, kozouya baba vakabereka murume wake avo vanogona kumudaidza vachiti ambuya sekuti kana azvara vanasikana vanonemerana vachiti madzimai avo. Ava havasivo vega vanodaidza uyu mukadzi kuti muroora. Vamwe vanomudaidza seizvi vanin’ina kana vakoma vamai vemurume wake, vakoma kana vanin’ina vababa vemurume wake pamwe nemadzimai avo uye hanzvadzi dzababa vemurume anonzi madzitete. Mukoma wemurume wake anomudaidzawo kuti muroora nekuti anenge achionekwa saiye anotora chinzvimbo chababa kana baba vashaya zviya. Uye kune mamwe madzinza mukoma wemurume haaitwi munemo naye nekuti ndibaba zvakare haatogari mukadzi wemunin’ina wake nhaka.


Zvino chiregai titaure nyaya yekuti sei iye akazonzi muroora. Regai titange nekutsanangura kuti icho chinombonzi kuroora chii? Kuroora ndiko kubvisa fuma kuya kunoitwa nevakuwasha zviya kana vauya kuzotsvaka ukama nanatezvara vavo. fuma iyi inobviswa navanhurume kazhinji asi kashoma kuti panobviswa fuma iyi pashaikwe hazvanzi yemurume inenge iripo musi wekubvisira fuma uyu. Nekuda kwekushomeka kwefuma uye kuti hanzvadzisikana dzinogona kunge dzakaroorwa kure, iye zvino zvavakugona kuti hanzvadzikomana inoroora hanzvadzisikana isipo. Kune mamwe madzinza, hazviiti kuti pauye mukadzi mutsva mumusha pasina muzukuru mwana wehanzvadzi. Uyu angava musikana kana mukomana, ndiye anenge akamirira amai vake. Panoroorwa munhu ndipo panoonekwa kazhinji kukosha kwahanzvadzisikana mumusha.


Zvino zvakazouya seiko kuti munhukadzi anzi muroora iye achibvisirwa fuma? Unonzwa zvichinzi mwanasikana wanhingi uya akatobvisirwa roora asara kuperekwa kuvarume vake. Vamwe vanenge vachitotiwo ndakabva kundobvisira fuma kwaatezvara vangu. Izvi zvichinongedzera kuti murume ndiye anobvisira fuma mukadzi wake.


Regai tibate nyaya iyi zvishomazvishoma dzamara tati godi zvedu panhongonya payo. Zvichida avo vanoda zivo vangaiwana vakaziva kukosha kwemuroora mumusha maavo.


Makare-kare, kwaiva netsika yainzi yechipanda. Mutsika iyi, mwanakomana mumwe nemumwe aipiwa hanzvadzi iyo yaizoti kana yaroorwa fuma yaibva kumukwasha ndiyo yaizoroora mukadzi wehandzikomana iyi. Kazhinji n’ombe dzaibva kuhanzvadzisikana iyi ndidzo dzaizonoshandiswa kuroora mukadzi wehanzvadzi.


Zvaiti zviya nyangwe pane barika, vana vekwamaiguru vaigona kunoroorera hanzvadzi dzekwamainini. Vamwe vanasikana ndivo vaitopiwa mukana wekuti vasarudze wavaida kuti azova chipanda chavo uyo aizodya fuma yavo. Izvi zvaibva zvaita kuti pasaita makakatanwa pakati panama vachiti mwanakomana wako akadya fuma yakabva kumwanasikana wangu. Zvino zvaiti kana fuma yabva kwakaroorwa mwanasikana yaisvika ichipfurira kunoroora mukadzi wehanzvadzi.


Kusiri kudaro, makare iwayo, zvaiti mwanakomana kana akura zviya, aisazvinetsa nekutsvaka fuma yekurooresa. Chaaigona kuudza vanababa vake kuti akura. Shoko raibva nekumunin’ina wababa vake mudiki. Kana vachigara pachiguta, zviya zvokuti mana rose rinenge riri remhuri imwechete kubva kunana sekuru vadiki zvichidaero, mwanakomana aitotanga kune mudiki weavo vose vaanoti vanababa mudzinza. Shoko raizofamba kubva ipapo richitenderera kusvika rasvitswa kuna baba nyakutumbura. Kusvitsa shoko kumunhu wese kudai kwaiva kuzivisa mhuri kuti igadzirire mwenga mumusha kuitira kuti panoitwa mhemberero munhu wese ange achiziva. Uye izvi zvaiitirwa kuti baba vemukomana uyu vagadzirire fuma yeroora. Kana ivo vasina panguva iyoyo vaitonokwereta kuti vagone kuroodza mwanakomana wavo. Kana pamadzikoma avo nevanin’ina vavo paigona kubuda anoti musanetseka neroora remukomana, ndichakupai kubva kudanga kwangu. Mudzimai wekutanga vanova vahosi vaisabvisirwa roora nemurume wavo. Zvaizoti kana murume oda kuwedzera vamwe vakadzi ndipo paaizonzi wakura chizvionera.


Varume vaigona kuzvibvisira fuma ndivo vaya vanenge vaita zvekunotema ugariri. Kana usina kuita zvekutema ugariri waitobvisirwa fuma iyi nemubereki kana nechipanda sezvatsanangurwa pamusoro apo.


Zvino kana hanzvadzisikana yabvisa fuma ndiyo yaizonzi ndiyo muridzi wemukadzi uya nyakunotorwa nemari yayo. Saizvozvowo uyu muroora auya mumusha fuma yabviswa kwake yaiindawo yondoroora mukadzi mumusha. Izvi ndizvo zvaiitwa zvokuti vakadzi vairoorana pachavo nenzira iyi.


Zvino zvaizoti zvadai, hanzvadzisikana kana yoshanya mumusha yaitogona kusvikira kumba kwechipanda chayo. Ndikowo kwaigona kusvikira vazukuru zviya kana vashanya kwaanambuya vavo. Hakuna matare ehanzvadzisikana angaitwa uyo akashandisa fuma yake asipo. Kudaro kunenge kuri kupara mhaka. Kana asipo aitotsiviwa nemwanakomana wake chero angava mudiki zvakadii. Nekune rimwe divi hakuna dare rekutongesa mukadzi aunzwa nefuma yatete anoitwa chipanda ichi chisipo. Matare ose aifanira kuzivikanwa nehanzvadzisikana iyi. Kana hanzvadzikomana ikada kuita mashiripiti ekudzinga mukadzi hanzvadzisikana isipo yaitoripiswa kuti yazviitirei. Zvinoreva izvo kuti makatanwa ose aiitika mumba mehanzvadzi apedza nehanzvadzi iyi.


Zvino uno izwi rekuti muroora rangoshama kuti n’ono seguru rakapinda nyoka nemhaka yekuti hakuchina vabereki vanobvisira vana vavo fuma uye iyi yechipanda iyi haisisiko. Zvava zvishomasasa. Muroora nekudaro haricharevi chinhu nekuti varoori ava havacharoori. Mwanakomana otochama pachake kuti zvifambe.


Kare ikoku ndiko saka muzukuru aibvumirwa kugara nhaka yemudzimai wasekuru vake. Kanazhinji nekuti airoorwa nemari yakabva kwababa vake. Kana mukuwashawo nerimwe divi aida kuwedzerwa mukadzi aitangira kumba ikoku kwakaenda fuma yake. Zvakare kana sarapavana aibva muimba iyoyi zvakare. Kana chimutsamapfihwa chaitobuda muimba iyoyi.
Ndiwo mavambo ekuti muroora. Airoora umwe mukadzi.

Ndagumira pano.

@Tinashe Muchuri 2018

Comments

  1. Ndadzidzavo nhasi nezvemuroora, kuti sei achinzi muroora, pada zvine mutsauko namuroorwi. Ngazvibude mudara ravaMuchuri, kuti iye wacho akaroora muroora seivo achinzi mukuwasha, vamwevo vachiti mukwasha. Ndatenda nyanduri, mudzidzisi, mupangi akavazve mukoma.

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts