Marooro


Vanhu vazhinji vanondivhunza kuti marooro anofambiswa sei uye chii chinotarisirwa kana munhu achienda kunoroora kwaatezvara. Zvinhu zvandakaona ini ndezvekuti marooro anosiyana nemusha waunoenda kunoroora uye kuti nedunhu raunoenda kunoroora. Marooro haafanani kuvanhu vose asi zvishoma zvandasangana nazvo parizvino ndezvinotevera.

Zvamai.
1.      Mari yekutenga ndiro ichashandiswa kuisa mari yemarooro.
2.    Grocery 
3.      Kunonga kwamai (kusiyana nanzvimbo).
4.      Mari yehuyo (kusiyana nenzvimbo).
5.      Mberengambariro/Rumbariro
6.      Hotamiro
7.      Kutumbura munzwa
8.      Mapfukudzadumbu
9.      Chigaro chababa
10.      Mauchiro
11.  Mabhachi/Majasi
12.  Mapakuro/Bakuro/Mombe yehumai iyi mombe inoenda ichitsika. Ikasaenda ichitsika ine zvipfukwa zvayo zvinopinza mhepo mumusha.

Zvababa.

1.      Mapere – ichi charango chinoitwa nedzimwe mhuri dzekuBuhera uko vanoti kana watizisa mwanasikana wavo vanotuma vanakomana vavo kuti vauye kumusha kwaakatizira uko vanosvikira kuzvirugu zvembudzi vachirira semapere. Vanobata mbudzi iyo vanozouraya yodyiwa imwe nyama vodzokera nayo kunoratidza vabereki kuti vakaona pakaroorwa hanzvadzi yavo.
2.      Muzvadzi- uyu ihanzvadzi inosarudzwa nehanzvadzisikana kuti ive ndiyo inomira sababa vayo pose panotambwa nyaya dzehanzvadzi iyi. Muzvadzi anogona kuva mwana wekwababamunini kana kwababamukuru kana wemudumbu rimwe nanyakuroorwa.
3.      Sunungura homwe
4.      Vhuramuromo
5.      Makandinzwa nani
6.      Bikiro- fodya
7.      Matekenyandebvu
8.      Bwanyaruzhowa (kana wakaita zvokutizisa)
9.      Mavhunwa/Dhameji kana wakaroora nekutizirwa
10.  Mari yedare (inogoveranwa nevanhurume vemusha varikureva marooro).
11.  Rugaba/Rusambo/Khangazile – (Ndiwo anonzi mavambo eroora. Kana ukabvisa urwu kana chikamu unonzi wakaroora. Kune dzimwe nzvimbo dzakaita sekumanyika mari yako ikaperevedza isina kusvika pakubvisa unonzi mari yako yadyiwa nedima zvinoreva kuti paunodzoka wotangazve patsva.
12.  Mabhachi/Majasi
13.  Mauchiro
14.  Kupinda mumusha (vamwe vanobvisisa iri mari musi wekuroora asi vamwe vanotozoita uri mutambo unoungana mhuri yemuroorwa nayanyakuroora).
15.  Danga – mombe dzinotsika
               Mombe dzinouya iri mari

16.  Ratidzadanga/chitombo/mesoemombe

Zvimwe zviripwa
1.      Chimanda imombe inobviswa kutenda kuchengetwa kweumhandara hwemuroorwa. Iyi mombe inouraiwa koitwa mabiko.
2.      Vanin’ina vanonongavo
3.      Tete vanononga yavo
4.      Mbuya vanopiwa mari inonzi kuwanandimbuya kana kuti bako rambuya. Kana mbuya vakasawana charango ichi vanozogona kupiwa inonzi imbwazukuru iyo inozouya kwatanga kwarwariwa kumusha kwakaroorwa muzukurusikana.
5.      Masungiro- uku kuperekwa kunoitwa muroorwa kumusha kwake kana asenga pamuviri pekutanga kuti andoponera kumusha kwake. Vamwe vanodaidza chiitiko ichi kuti haritsva.

© Zvakarongedzwa naTinashe Muchuri 2018

Comments

Popular Posts