Ngatidzidzei ChiShona


Vanhu vazhinji vakanditumira mibvunzo iyi vachiti ibasa rakapiwa vana kuti variite vari pazororo. Ndakaonawo kuti vanhu vazhinji varikushushikana nekuwana mhinduro kumibvunzo iyi. Ini ndakaita tsvagurudzo kumibvunzo iyi ndikawana mhinduro dzinotevera. Kana kune rumwe ruzivo ngatibetserane kuvaka ruzivo runoyamura vadzidzi vari kuzvikoro.


1.      Munhu anoita basa rekunonga zvakasarira muminda yavamwe anonzi tsvangarudzi kana kuti kufumha.


2.      Mombe yachembera inonzi dore, gwachara, nhore kana kuti hohonwa.


3.      Mvura inotanga kunaya pakutanga kwezhizha inonzi bumharutsva, bvumiramitondo kana kuti mvumiramitondo.


4.      Imbwa yanyanyisa kuchembera inonzi hora, hodya kana kuti hohonwa.


5.      Mvura inoiswa munyu yoseveswa sadza seusavi inonzi mutombera, nhongamuto, mutowavhumbu, nhotamuto, mutowejongwe, kana kuti nhanhamuto.


6.      Chinobva paguvhu remwana chorashwa chinonzi rukuvhute, runzou, chikuvhu, chikumvu kana kuti chinzou.


7.      Mukadzi anofirwa nevana vacheche anonzi ane sare kana kuti sari.


8.      Imba inogara vahosi vashe inonzi hozi.


9.      Chimuti chinoshandiswa kupura zviyo chinonzi buro, mhuro kana kuti mupuro.


10.  Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi durika.

Comments

  1. Kutenda kwaiye kitsi kukava mudundundu.zvaonekwa zvabuda mudara ravaMuchuri. gamuchirai kutendwa imi vaMuchuri, nemabasa enyu ane rubetsero

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts