Tadzoka zvakasimba

Kuvaravi vose vanorava zvinyorwa zvemudara rino, tadzoka kuzororo tine zvirongwa zvitsva. Kubvira zvino zvichienda mberi tichange tichitandara tose pano tichibatsirana kuzivisana nezvetsika nemagaririro pamwe nedzimwe tsvakurudzo pamutauro netsika dzavaShona.

Vadzidzisi 

Makasununguka kuvhunza izvo zvinokunetsai zvamunenge musina ruzivo nazvo. Pano tinobva taita tsvakurudzo yazvo tokupakurirai zvatinenge tawana kubva mutsvakurudzo idzi.


Vadzidzi

Makasununguka kuunza basa riya ramunopiwa kundoitira kumba. Kana pane zvinenge zvichinetsa, zvimwe zvacho munobata Ngatidzidzei Shona panyumeri dzinoti +263782883203. tinobatsirana kususukidza ChiShona mberi.


Huyai titandare muno mudara, nzvimbo ihuru. Hapana asingakwani kana tasvika panyaya dzemutauro.

Ndatenda ndini wenyu,


Tinashe Muchuri
+263 782 883 203

Comments

Popular Posts