Pabindu remurimi anoziva kupingira mwaka

Pabindu remurimi anoziva kupingira mwaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016
1.       Zhara inoda kurobwa nemushamhu nekurima mbeu yeshanga duku. Varimi vanokurudzirwa kuti varime mbeu iyi asi nekuda kwechijairira chavava nacho chakudya sadza rechibage vava kutambudzwa nezhara kunyange nemakore asingafaniri kuwana vanhu nezhara. Gore rino kunohi gore reElnino rakakonza zhara asi zvichionekwa avo vakarima mbeu dzetsanga duku vakakohwa zvokuti vanongoita yokuhwa pavamwe zhara yacho

Banda. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016
2.       Banda kana kuti bwanyanza ndicho chigadzirwa chaishandiswa makare kare vanhu vasati vava kuvigwa mumabhokisi emapuranga. Banda rinorukwa namatanda achisunganidzwa nemakavi akasimba kuti munhu asadonha. Banda zviya kana munhu adzikiswa mugomba rinotemwa temwa zvidimbu zvinokwana muguva. Vamwe vanorishandisa kutakura murwere asisisiri kugona kufamba ega.

Garingizha/Musingwi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016
3.       Garingizha mwena unowanikwa kazhinji pachuru. Garingizha mwena unowanzogadzirwa namajuru. Panguva zhinji mwena uyu unogona kudaidzwa navamwe kuti musingwi. Mumusingwi munorasirwa zvakawanda. Vamwe vaishandisa kurasha svodzwa, nhenjana uye kurasirira huhwere hwakasiyana-siyana.

4.       Zvisaki vamwe vanozviti matendere anogadzirwa neshiri kuti dzigowana kukandirira nekuchochonyera mazai kana achinge asvitsa nguva yekuti mapwipwi kana kuti manyana achibuda kubva muzai.


Zvisaki/matendere emachesa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016
5.       Kana yarira tsuri kune vanosimuka vachitamba kurerutsa ndima inorema. Kana zviya wazorora unodawo vanokutambira. Shasha idzi dzeZion retambo dzaidzana pamwe pamusha dzichimanya nebani rese kunge vatambi vengoma yeMuchongoyo yekuChipinge. Kune vanoda kuziva nezvekudzana muZimbabwe nemuafrica vanofanira kutsvakurudza kuti kudzana kwekumakereke kwakambotanga nekupi zvokwadikwadi.

Kuzina kwamaZion paJerera kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016



 Ngoma nehosho nehwamanda zvabatwa namaZion wanei vanhu vasiya kuiridza pamikwerera nepamabiko vachirova ngoma yavaiti ndeyavo vachinda kunoirova yava mumakereke kuti ichirega kuburutsa midzimu asi kusvikisa nekuzadza vaporofita nemweya unoyera.
Ngoma yeZion paJerera kuZaka, Masvingo Muzimbabwe. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016.

Comments

Popular Posts