Chii chinoitika?

Kushaya hanya kwavakuru kusiya gomba risina kufushirwa.
zvino ko mwana akada kutsauka munzira akaruma rundebvu
ko, kana iwo mucho ukada hawo kubuda munzira matsamwa?
ko, hazvo kunze kukada kuita rima vamwe vari parwendo?
kuzoti tsoka ikapotsa nzira ipapa apa apa?
ipo pasina chenjedzo yenjodzi?
pasina kana izwi reyambiro?
pasina kana tambo yemavara matsvuku nemachena?
kuzoti gomba rakadai rikamera pamoyo?
kana kuti zvaro rikamera midzi mupfungwa
Chii chinoitika

Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Samora Machel Ave, Harare

Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Samora Machel Avenue, Harare

Comments

Popular Posts