Miss Deaf Zimbabwe onokwikwidza kuMiss Deaf Africa 2013 kuSouth Africa.






                                    Miss Deaf : Runako harusariri

Nguva dzatinopiwa panyika dzinotipa mikana yakasiyana-siyana.Ko pane akasikwa akashata here panyika? Zvinonzi runako ruri mumeso aiye nyakutisika.

Kuda Mapeture. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Harare
Ndaive ndatopedza mazuva akati kuti ndichidawo kuona iye mwanasikana anonzi akapedzera vamwe kuurungudwa apo musiki aisika mhando yevanasikana vane dambudziko rekunzwa nenzeve. Izvi hazvirevi kuti vanasikana ava havanzwi uye kuti havatauri. Vanonzwa kwete nenzeve asi kuti vanonzwa nemeso avo zvakare vanonzwa nemaungira ekuzungunuswa kwepasi anoitwa nemitinhimira yemimhanzi.
Kuda Mapeture. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Harare

Zuva rakazosvika uri musi weChishanu zuva rinonzi nderemafaro. Musi uyu Kuda Mapeture uyo anova akapiwa nyembe dzerunako mumakwikwi erunako Miss Deaf Zimbabwe akaitwa mugore ra2012 aigadzirira kuenda kundokwikwidza kumakwikwi erunako eMiss Deaf Afrika 2016 awo achaitirwa kuCape Town kuSouth Africa musvondo rino.
Zuva randazomuona aive nemusangano wepagore panzvimbo inogara vanoshanya yeHoliday Inn muHarare.Ndakasvikapo ndokugara zvangu ndakamirira nguva yekouna Kuda.Semunhu asati agona kutaura neSign Language ndaitoda kuwana munhu angandiponesa paurema hwangu hwekusava ndakakwanira kukurukura navarunako Kuda.
Kuda Mapeture mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Harare
Sekugona kuronga kwaMwari, Onai Hara uyo anova muturikiri weSign Langauge uye achiturikira Kuda achitaura, akandivimbisa kuti ndisavhunduka sezvo aizoita kuti hurukuro pangu naKuda ifambire mberi zvakanaka pasina chinoidimbura. Ndakambozvituka ipapa kuti seiwo ndisina kudzidzira kutaura nerurimi rweSign Languge.Kudai ndaigona ndaidai ndaigona kuva ndichitaura naKuda pasina muturikiri. Zvino apa zvaiti ini ndikabvunza mubvunzo Onai aifanira kunge akateresesa kuti anyatse kuturikira kuti Kuda agozogona kupindura mubvunzo zvaizoita kuti Onai anyatsewo zvakare kuturikira kwandiri nerurimi rwandinonzwa. Saka Zviya zvokuti kana uchitaura unge wakatarisana newaunotaura naye zvinodzidziswa kuzvidzidzo zvekufambiswa kwamashoko mukutautirirana zvainge zvisipo. Ini ndaiva ndakatarirana naOnai, Onai achiti kana ndiri ndinotaura otarira kwandiri kana ava Kuda ari kutaura otarira kwaari. Kudzidzira rurimi rweSign Langauge tinogona kukutorera pasi as ndakaona kukosha kwawo ipapa.Zvinooma kana ukashaya anoturikira kana uchida kuita basa nemunhu anotaura neSign Language.

Ndakagara panochingurirwa vashanyi ndakamirira kuti Onai auye andizivise kuti taizoita hurukuro yedu tiri pai.Ndati garei garei Onai akazouya neshoko rekuti nguva yainge isiri kutiiitira zvakanaka sezvo musangano wavainge vachiita munzvimbo iyi wainge wava kunonoka kupera apa ivo vaida kundowana zvipfeko zvekuti Kuda azopfeka kumakwikwi eMiss Deaf Africa 2016 zvavainge vapiwa nevaridzi veDesigner Closet avo vanova vagadziri vembatya dzemucheno wepamichato, pamagungano, pamitambo yekudya kwamanheru, masikati kana mangwanani. Ava vaiwanikwa panzvimbo yezvitoro zvepaTravel Plaza kuBelgravia.
Nguva dzangu dzenhatu dzainge dzaringana asi musangano uchinonoka kupera. Uku veDesigner Closet vaivhara nenguva dzeshanu. Kukurukurirana naKuda paHoliday Inn kwakabva kwakona nekuti nguva dzaikwikwidzana naye. Zuro wacho taive tatadza kukurukura sekuronga kwatainga taita nekuti ainge adaidzwa kuzvidzidzo zvekupoda kuwedzera runako nePoda by Chipo inowanikwa paKensington Shopping Centre kuMilton Park uye ainge atoonana naCraig Lashes avo vanoita basa rekugadzirisa tsiye dzerunako. Yose iri gadziriro yekuti varunako vedu Kuda vagone kundokwikwidza zvakanaka navamwe kuMiss Deaf Afrika 2016.

Kuda Mapeture. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016, Harare
Pandakazoti nditaure naye nguva yainge yadyana. Kuda akabva ati hazvichaita kuti tionane manheru iwayo nekuti kwaive kwasviba anotya kufamba husiku nekuti husiku huzere zvinohwandira zvakawanda zvinokuvadza .Ndaona rutyo rwake rwekufamba usiku ndakabva ndati kumirira hakuurayi.Ndakamirira kuedza kwaro zuva.

Pakazobuda Kuda naOnai ndaive nguva dzainge dzatodarika pana ina. Pandakaona kuda, ndakaona humhizha hwaMusiki huchitapanyika panyika.Ndiyani angambofunga kuti Kuda akadaro.Kana anyerere zvake unongoti akafanana nanamujakati vemiromo isingamharwi nenhunzi.Nyemwerero yacho inodzinga rima ichipinza chiedza.Ane chiso chinofara zvekuti chinoita kuti kwanga kuchitonhora kudziye.Chero usina kuudzwa kuti ndivo varunako vaya unongoona nekufamba kwake kwakapimwa kusiri kwekuvhundutsira pasi.
Hatina kupedza nguva sezvo nguva yainge yatipingira mberi.Takapinda mutaxi tonanga kuDesigner Closet.Ipa taiva namuchairi aifarira kutaura zvake. Aitaurawo nyaya yekunetsa kwemari munyika, achiti mari yatainge tamupa kutitakura ndiyo yaive yekutanga yezuva.
Takasvika kuDesigner Closet ndokutambirwa naFiona Mambo musikana akasununguka zvaimwisa mvura. Akatipa nyemwerera yavhura denga rikasvimha misodzi inonyorovetsa nyika.

Paakaudza chifambirwa chaKuda naOnai akabva avazivisa kuti ainge achichiziva.Basa rekusarudza rokwe rerunako rakabva ratotanga. Marokwe ese aipfekwa naKuda aimudema zvokuti waimedzera mate. Fiona aigona kutaura naKuda kunyange pasina muturikiri.Onai akada kuziva kuti ainge aizvidzidzira kupi akaudzwa naFiona kuti akazvidzidzira kuchikoro uko vaikurudzirwa kutaura nezviratidzo.Kuda akazoti haazotora marokwe achienda nawo sezvo aimbodawo kuwana nguva yekufunga kuti ndeapi chaiwo anonyatsoita.

Zvekusarudza marokwe zvapera, ndakabva ndawanawo mukana wehurukuro.Kwainge kondovira zvokuti ndaive ndava kutotyawo kuti kuda anogona kuzoti hazvichaita nekuti ndinotya kufamba husiku.Ndakafara paakati tikurukure zvedu sezvo kwainge kusati kwanyanya kusviba zvekuti angatye kufamba. Takazosarudza kanzvimbo kari pedyo neDesigner Closet. Takamirapo zvedu tichikurukura.

Kuda uyo anoshanda semudzidzi weSign Language kuDeaf Zimbabwe Trust anoti iye paakasarudzwa kuva Miss Deaf Zimbabwe muna 2012 pakazosarudzwa umwe muna 2013. Kubva muna 2013 kusvika parizvino, hakuna kuzoitwa makwikwi aya. Tsvarakadenga yakasarudzwa 2013 ari kuSouth Africa pari zvino izvo zvakaita kuti asaenda kunokwikwidza kuMiss Deaf Africa 2016.

Kuda akatomboendawo akanokwikwidza kuMiss Deaf World uko akavawo nemukana wekuva nemukana wekuva patsvarakadenga gumi (10) dzakanakisa patsvaradenga dzaisvika makumi mana nena (44).

“Handina kunyanya kusununguka nekuva mukati metsvarakadenga gumi nekuti ndakapotsa napadiki kuvavo pane vatatu vekupedzesera.,” akadaro Kuda.
Semudzidzisi anoti anobatsira kudzidzisa vana vadiki vanotaura nezviratidzo kuti vagone kutaura nekuti zvakakosha zvikuru kuti mwana adzidze kutaura Sign Language achiri mudiki kuti agone kutaurirana navamwe pane apo akura.

“Ndakatanga kudzidzisa vana vanotaura neSign Language nekuti zvakakosha kuti mwana mudiki adzidzire kutaura neSign Language senzira yekukurukurirana pane kuzozviita munhu akura.Ndinoshanda semudzidzisi kuDeaf Zimbabwe Trust uko ndinodzidzisa vana mitambo yakaita samadhirama, nehudavadi hwakasiyana nehumhizha hwekugadzira mhete,” akadaro Kuda.
Kuda akaenderera mberi achiti, “Tinoda zvakare kutisgira Sign Language muzvikoro.Tinozviziva kuti zvakaona kudzidza kwevanhu vanotaura nezviratidzo.Asi tiri kukurudzira Sign Language kuti iitwe muzvikoro nekuti zvakakosha.”

Kuda aktivo iye neumwe waanoshanda naye kuDeaf Zimbabwe Trust, Precious Janga vanodzidzisa Sign Language kuvashandi vanosvika makumi mana (40) vepaMSF hospital vanosanganisira vana Chiremba, vakotinevanachipangamazano. 

“Tinovadzidzsa pachena.Zvakakosha kuti munhu agone kutaura neSign Language.Ko, kana murwere anotaura neSign Language akauya pachipatara ungata naye sei?”Akawedzera achidaro.
Kuda anoti anoda kubatsira vamwe vanhu vakuru vasingagoni kushandisa Sign Language kuti vave nemutauro wavanogona kuita hurukuro nawo navamwe.
“Vanhu vasina mutauro vanonetseka kuti vangawana ruzivo sei kana musina mutauro uye kauti vamwe vavo havana kumboona kana musiwo wechikoro.Kuchikoro kwacho kune vadzidzisi vasingagoni kutaura neSign Language uye vanhu vanogona kunge vasingazivi tsika namagariro eboka revanhu vanotaura Sign Language. Vanhu vasina mutauro ava vanonetseka kuunganidza ruzivo rwezvehutano hunoenderana zvinoenderana neHIV neAIDS uyewo zvimwe zvirwere zvakaita semalaria negomarara,” anodaro Kuda.

Kuda anowedzerawo achiti kurudziro yaanowana kubva kune vamwe vechidiki vanomuona paterevhizheni achiita zvemodheren’i, hama dzake pamwe neavo vaanoshanda navo zvinopa nyemwe rekuti ade kuenderera mberi nebasa rake.
Kuda anoshuviravo kuti kudai zvaibvira makwikwi eMiss Deaf Zimbabwe atsigirwe zvakafanana sezvinongoitwawo mamwe makwikwi erunako akaita saana Miss Zimbawe uye Miss Tourism Zimbabwe.

“Ndinoshuvira kuti Miss Deaf Zimbabwe, Miss Tourism neMiss Zimbabwe vagoverane pamwe nekushandidzana pamwe chete,” akadaro Kuda.
Anoenderera mberi achiti anoda kuti kudai zvaibvirawo vanotaura neSign Language vapihwa mukana wekuti vapinde mumakwikwi akaita saana Miss Zimbabwe nana Miss Tourism Zimbabwe.

“Ndinoshuvira kuti pandinodzoka ndinenge ndawana hushing hwakakura kubva mune zvandichaona uye  kugoverana kwandichaita navamwe vakwikwidzi hwekuti ndigone kuenderera mberi nebasa rekubatsira avo vanofanira kutaura neSign Language. Ndinodawo zvakare kuti kana ndadzoka ndibatane nevamwe vanhu kuti titange ‘Mr and Miss Deaf Zimbabwe Contest,” anodaro Kuda.

Anoti anoshivirawo kuti vechidiki vese vanotaura Sign Langauge vadise kudzidza uye kuendera mberi nekuwana ruzivo rwehupenya.Anokurudzirawo vanasikana vese kuti zvakakosha kupinda nekuumba vvechidiki ane ruzivo nekuti zvinoita kuti vave vane samba rekuzvimiririra pachavo.

Nekune rimwe divi Kuda akati vabereki ngavaburitse vana vanotaura Sign Langauge kuti vawane kudzidza upenyu.

Kuda anoshuvirawo zvakare kuti aenderere mberi nedzidzo achiita zvidzidzo zvekupanga pamwe nekubatsira veruzhinji mune zvemagariro avanhu.

“Ndinoda kubatsira vanotaura Sign Language kuti ndigone kubatsira vanenge vane matambudziko avo kumba. Iye zvino ndinoona zvakaomera vanhu ava ekuti matambudziko avo anongona kusanyatsozivikanwa navamwe vanhu vava nenge vachitaura navo nekuti vanenge vachitaura mitauro yakasiyana,” Kuda anodaro.

Sign Language imwe yemimwe mitauro inoremekedzwa muZimbabwe iri pakati pemitauro gumi nemitanhatu inowanikwa iri muBumbiro remitemo reZimbabwe rakagadziriswa (No:20) 2013. 

Kuda anotarisirawo kukunda uye kudzoka nemukombe weMiss Deaf Africa kuZimbabwe.

Comments

Popular Posts