Rusununguko rwenganonyorwa muchiShona



Semunyori nemuverengi uye muongorori wezvinyorwa ndinofarira kutamba namabhuku. Apo vamwe vanhu vari kupemberera rusununguko rwakauya mugore ra1980 mumwedzi waKubvumbi ndapinda mudura rangu ramabhuku ndichitsvaka chekuti ndinganyoreiwo shoko rinoita panguva iyo nyika ichange ichipemberera zuva rokuzvarwa kwayo makore makumi matatu nemashanu adarika.

Ndipowo pandaona Feso, rinova bhuku rakanyorwa naVaSolomon Mutsvairo rikatsikiswa neLongman Zimbabwe. Bhuku randinaro rinoratidza kuti rakatanga kutsikiswa mugore ra1982 nekambani inotsikisa mabhuku iyi. Chisina kubuda pachena ndechekuti bhuku iri rakatsikiswa mugore ra1956 ririro bhuku rekutanga kutsikiswa mururimi rwechiShona.

Kubva mubhuku iri ndimo mune nhetembo iya yaigarodetembwa namushakabvu Simon Muzenda ikavasvitsa pakusungwa nehutongi hwenguva iyoyo. Bhuku iri ndaridoma nokuti rakaunza rusununguko kumunyori wenganonyorwa wechitema. Ndiro rakava chipimo chekuti munhu mutema ane nyaya dzinoda kutaurwa nerurimi rwake. Nokudaro ndaona murume uyu riri gamba chairo kwete rekuseka kana kutamba. Ndikati ipapa patinenge tichirangarira nezvemakore ekusunguka tirangarirewo vanyori vakasunungura  rurimi rwedu uye nyaya yeZimbabwe.

Ndichiringa-ringa zvakare mudura ramabhuku angu ndakabva ndaona zvakare bhuku rinonzi Zviuya Zviri Mberi rakanyorwa naJoyce Simamngo rikatsikiswa mugore ra1974 ririrowo bhuku rekutanga reChiShona kunyorwa nemunyori wechidzimai mururimi rwechiShona. Izvi zvakasunungurawo madzimai kuti aone kuti ane nyaya dzawo dzinoda kunyorwa naiwo kwete navamwe vanhu.

Feso ibhuku rakanyorwa richitarira nyaya dzokusungurwa kwenyika. Ukuwo Zviuya Zviri Mberi rakanangana nekusunungura madzimai kubva kuzvinetso zvizhinji zvinosangana namadzimai munyika. Zvimwe zvacho zhichiri kunetsa madzimai nanhasi uno. 

Simango akarwisa, panguva iyoyo tikatarira tiona kuti pakazobuda bhuku raSimango kwainge kwatopera makore gumi nemasere kubvira apo Feso raiva ratsikiswa. Izvi zvinoratidza kuti paiva nezvinetso zvakare kuti vanyori vechidzimai vanyore nyaya dzavo dzichiremekedzwa. Asi Simango akaunza kusununguka uku nhasi uno kwava kushandiswa navamwe vanyori vechidzimai saiye.

Pakurangarira rusunguko rwegore rino ndabva ndafunga vanyori vaviri ava. Kubva muna Feso hunzi, “ipapo ndokuchema imwe harahwa nezwi guru, ichiona dambudziko rakanga rava pamusoro paVaNyai panguva idzodzi, ichiti:

‘O, Nehanda Nyakasikana! Kunozove riniko
Isu VaNyai tichitambudzika?
Mweya Unoera! Kunozove riniko
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?
Ko, inga taneta wani nekunwa misodzi?
Ko, to shirira kudzamara kusvike riniko?
Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,
Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,
Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera,
Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza,
Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nohwema,
Ko, isu rugare ruchatisvikira riniko?
Vana vacheche vatinobereka, vawakatipa
Iwe Samasimba, vanova ndivo vadyi
Venhaka dzedu, nhasi vokura vakasunzumara
Munyika yavo; voshaya nzvimbo dzokurarama
Nokuzvidekadza? Apa napapo pazere rufuse.
Makumbo avo ava namaduzu nokungopfuviswa
Neriri Pfumojena. Ko! Vosvikepiko?
Mudzimba dzose nemumisha yose
Vari kutandwa pamwe nokurohwa;
Munzvimbo dzose nomumatare ose
Avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi
Pasina chikonzero, pasina mhosva.
Pfuma yenyika nhasi yakatorwa
Vakagovana paukama hwavo vePfumojena
Nhasi vari kudya vakora sehochi,
Isu toondoroka sembwa ine gwembe.
Nhasi vagere murusununguko,
Isu todzipwa huro namajoto.
Rusununguko, Nehanda, ndorupi?
Hamungaburikirewo kwatiri here?
Harahwa dzedu dzobatwa sepwere
Munyika yawakavapa, musiki wengoni!
Havasisina rukudzo panyika;
Havasisisnawo chavanacho;
Dambudziko guru ndiro ravawira.
Baba Mutsvene! Gomo rine ngoni!
Hamungotinzwiwokuchema kwedu here?
Tine chitadzo chakakura sei?
Chokubva matiramwa zvakadai?
Nehanda Nyakasikana! Kunozova riniko
Isu VaNyai tichitambudzika?
Mhondoro Tsvene! Kunozova riniko
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa
Neriri Pfumojena rasvika munyika? 

Kubva muna Zviuya Zviri Mberi; kunonzi, “Kuzoti vapedza umwe pamadzimai akange aperekedza Tambudzai akasimuka ndokuti:

“Tambudzai, zvowaita zvatifadza chaizvo. Tinodada newe asi usazokanganwe rudzidziso rwawakapiwa, kunyazi mukufara kana mumatambudziko, ucherechedze kuita zvakanaka nguva dzose.” Apedza akabva aimba nevamwe vake rumbo:
Jesu uri musha wako,
Unokuchengeta.
Hauzomboshayi chiro.
Unokupa zvose.

Dai wechinyaenda mukufa,
Usatyiswa iwe.
Ndonga nemutaza wake,
Zvinokugwinyisa.

Unozokutungamirira,
Unozotevera.
Tsani yako yati penu
Inokukwanisa.

Nyasha nekunaka kwake
Tinoona pano.
Unogara mazuva ese
Kumusha mudengamo.

Comments

  1. Ummm mandidzora ndangariro Mutumwapavi, zvikurukuru naFeso. Rambai muchitipa idzi ongororo.

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts