Chidamoyo



Ane chake haanzi wandinyimirei
Chidamoyo kutambanudza ruoko kuvatorwa
Rukokanhamo kudaidza masahwira kumutambo
Voga vapembedzi nepaunotyarika moto wakapfeka marengenya
Zvinouya ndiyo misodzi nemavanga
Zvichida wakakoka nevadzimuri vemoto kana wonganduma
Kana usina zvakakosha kukoka nembongorori
Vatsoropodzi vanokuudza wopinda nemwenje mudziva
Zvikupe kutamba wakangwarira, uri wevhu panonaya hapatambirwi.

Comments

Popular Posts