Mwana wehama haanzi wavingei mumuzinda



Hukashai hunenge hwembariro kukama nhungo pahukama  nemakavi?
Kana zvamanana hezvo denga ramira toti ndihwo hukama murunyararo.
Panouya huswa hehwo hwovhara mheremhere iri pasi pahwo.
Vakuru voreva voti chakafukidza dzimba matenga ivo vachireva kana denga rava nehuswa.
Mukati medenga ibatai-batai
Mashiripiti atsikamutanda kupumha munhu huroyi hwaakasima neukiribidi.
Kana chaunga chanzwa hecho mumweya wemhomho zvidhinha nonge, dombo nonge, pfumo nonge, danda nonge, banga nonge nemuchisa muhomwe kande!
Rumbo rwavambwa neakatungamira nzira.

Zirume rinogarovirimira vamwe
Tondobayana
Zirume rinogarovirimira vamwe
Tondobayana, hiye, hiye hiye Tondobayana.

Chasutsa hasha kukanganwa ukama.
Miganhu yakatarwa nevatorwa ndiyo yamutsa bongozozo
Ropa rakasunga ukama kudurunhuru kutse
Asiri hama ndiyani nhai weropa?
Anopindura hapana, hasha dzazadza chipfuva kunge imbwa dzapiwa muti weukasha
Cheronongedza pane ukama meso azara ukasha seerovambira rafura mbanje
Akandira zvinokoranjere zvokusaziva unhu hwemunhu chii?
Kana aziva ashaya!

Kana iri hama yovhimwa sechipembere chine nyanga
Chinotsvakwa hausi wayo mutumbi asi iyo nyanga
Ehezve ndiyo inounza mbiri nemari
Kana ndachibata ndawana mari
Kana ari mapurisa kunyemwerera zvebasa pasi tsve!
Nhai vamupurisa mapiweiko kusaona mhosva pakuparwa kwayo?
Kuti ariyo adira enyu meso uriri hunotongodza?
Kana zvirizvo nyemwerero yaunzwa nei usi mufaro?
Kupemberera hama nehama dzichibayana?
Mwoyo nemweya weunhu wakaisepi?

Ndaitoda kuimbawo rimwe zuva ufunge.
Kuimba chaiko ngoma nehosho zvichirira.
Kuimba kuya kwekuti mbira nehwamabda zvinowirirana.
Vadzani mudariro iri ona-ona.
Asizve ungaimba sei hama nehama vakatosvorerana maziso?
Ungadzana sei hama nehama huri hwagonzo nakatsi?
Kufara kwagonzo handiti kunge katsi iri kure?
Zvino katsi zvoovhima gonzo nemugwagwa gonzo uchasunungukirepi?
Hama, uri hama iwe!
Cairo, uri hama iwe!
Mombasa, uri hama iwe!
Gaborone, uri hama iwe!
Lusaka, uri hama iwe!
Pretoria, hausi mutorwa iwe!
Chakusutsa chii nhaiwe Pretoria?
Kukanganwa hama zvekuturira pfumo?

Kuti unoda tiimbe rumbo rutsva
Rumbo rusina umwe akanzwa zuro
Asizve siyawo kuroya hama Pretoria
Tiimbe rwekugarisana rumbo
Rumbo rwatakasiirwa nakweguru
Aroorera umwe yava hama
Mwana wehama haanzi wavingei mumuzinda


Tinashe Muchuri © 2015/04/22

Comments

Popular Posts