Ndipo powoti ndikumirire

ndiri kutotizawo zviri kundimhanyisa
iwe woti ndikumirire
ndiwanikwe ndiri pano ndimire
asi hauna zviriyo shure kwako
zvakatakura zvinotyisa nokuvhundutsa
kana kuti hauna nzeve dzokunzwa mutsindo
wazvo zvinokutevera uchifamba
kana paya paunomhanya
pamwe gotsi rako rakasiyana nerangu
kunzwa kurema kweamira mugotsi
usandimise mhanya newe
usazowanikidzwa umire ndapfuura
unokara kuzotendeka matsimba
kana iro gwara randatora
usandimise siya ndimhanyeyo

Comments

Popular Posts