Uchenjeri hwevakare pamufananidzo weguvi



Tsumo namadimikira zvakabuda mukuongorora kwakadzama kwaiitwa namadzitateguru edu. Mutauro ungamira here chokwadi. Mangwanani anhasi ndatumirwa tsamba nemumwe munyori weChidiki nenzira yeNdeipi. Hunzi, ‘Ganda remukadzi wanhasi rinenge mengo, rinotsvuka akura.’

Izvi zvabva zvandiratidza udzamu hwemunhu akabuda nechirevo ichi mukuongorora zviitiko apo mudzimai wanhasi uyo anotsvukisa ganda rake nemishonga yakasiyana-siyana. Nyaya haisi pakuti mudzimai atsvukisirei ganda rake asi iri paudzamu hweongororo inoitwa nanachivakamazwi pamwe nanachirongatsumo namadimikira.
Apo ndakasvika pamuzinda wainzi ndewaMakate mambo vaya vokutiza hondo yaAtenzi Nohoreka vachizopararira mubwe pamwe nemhuri yavo ndakaona guvi. Ndakabva ndatarira mvura yaiva muguvi iri ndikabva ndarangarirawo chirevo chiya chinoti, ‘muchechetere mvura yeguvi.’ Ndakada kuziva kuti sei zvainzarwo ndokuona kuti mvura yeguvi haina kwainoyerera ichienda. Inenge yakanyatsoenzana zvayo yakazvigarira zvayo pamutambarakede. Shiri dzedenga nemhuka dzesango dzinouya dzichinwawo ipapo. Vanhu ndipowo pavanonyika mumera wemapira avo akafanana neaya emukwerera apo vanenge vachida kuti Mwari anaise mvura panyika.
Mvura yeguvi kana iri pedyo nevaya vanoumhizha hwekugadzira mapadza ndimowo mavanotonhodza simbi dzavo dzavanenge vapisa nemoto wemvuto kuti dzinyatsopfava pakudzitaka nesando. Vayawo vane umhizha hwekushandisa maruka pakugadzira matengu netswanda ndimowo mavanonyika maruka avo kuti anyatsekupfava paya pavanenge vachiruka zvirukwa zvavo izvi.

Pandakaona guvi raivapo pane unonzi waiva muzinda waMakate uyu ndakabva ndaona udzamu hweuchenjeri hwavanhu venguva iyi. Kana usati waona chinhu chinenge chichifananidzwa muzvirevo zveuchenjeri unogona kusanzwisisa zvorehwa nechirevo. Nhasi ndati regai ndigoverane nevamwe avo vasingazivi guvi kuti chii?
Guvi igomba rinowanikwa paruware iro rinojenga mvura. Guvi rinoita paibwe rakasimba riya rinowanzoputswa richigadzirisa tara. Iri ibwe haribvumiri mvura kusinina nemukati maro. Izvi zvinoita kuti iya mvura yanaya ikajenga muguvi isabudamo. Inorichengeta kwemwaka yakawanda. Kazhinji-zhinji ibwe iri rinenge riri ruware. Kashoma kuwana guvi paibvwe risiri ruware.
Guvi rinowanikwa panzvimbo Mutoko Monuments Centre kudunhu reMutoko.Mufananidzo naTinashe Muchuri.
Vanhasi vane zvitendero zvezviporofita vanokurudzira vatenderi vavo vanenga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana kuti vashandise mvura yapaguvi. Muguvi munowira mashizha emiti yakasiyana-siyana uyewo tutsotso twemiti yakasiyana-siyana. Ndipowo panonwa shiri nemhuka saka paya padzinonwa dzinogona kusiya madosi, nhoko nendove yadzo panzvimbo iyi zvinogona kuzopedzesera dzawira muguvi. Mhuka dzinonwa paguvi dzakaita sembira, mhembwe, ngururu, mhene, makuko, tsoko nedzimwe dzakawanda-wanda. Kubatana kwemuto wamashizha mazhinji kunoumba mushonga wakasimba zvikuru ndiko saka mvura yeguvi ichimhanyirirwa navanhu vakawanda zvokutoda kuenzana nemvura yekugungwa.

Comments

Popular Posts