Nhoroondo yakapotsa yadzokorereka kuNAMA



Mugore rakavamba ruremekedzo rwevadetembi kuhurongwa hweNAMA paiva nevadomwa vatatu vaiti Tatenda Chinoda aka Dhege, Sthandazile Dube aka Sta naRobson Shoes aka Shuzlambada. Rino gore rakamira rakadai izvi;
SPOKEN WORD AWARDS
Outstanding Poet
1. Tatenda “Dhege” Chinoda
2. Likhwa Ncube
3. Sithandazile Dube
Dhege ndiyo akambotora mugore ratanga ruremekedzo urwu zvino adzokazve. Ndiyani achatora ruremekedzo urwu.
Kumabhuku matsva kune vanamai vatatu avo vari kukweshana. Pavatatu ava umwe ndiye akanyora nerurumi rwaamai rweShona vamwe vaviri vakanyora nechiRungu. Vamwe vaviri vakatsikisirwa mabhuku avo nesangano revanyori reZimbabwe Women Writers.
LITERARY AWARDS
Outstanding First Creative Published Work
1. Shards written by Cynthia Marangwanda Published by Ko.Maseko Publishers
2. Revai written by Ropofadzo Mupunga Published by Zimbabwe Women Writers
3. A Struggle Alike written by Debra Vakira Published by Zimbabwe Women Writers
Izvi zvinoratidza kusumukira nekuwedzera kweuwandu hwemadzimai ari kutaura nyaya nenzira yekunyora kwete yekutaura nemuromo sekuzivikanwa kwavaiita kare kuti vanasarungano vaiva vanhukadzi.

Comments

Popular Posts