Ndina Samanyanga kumutambo wevana wekumhanya



Zvimwe zvinhu zvinoshamisa chose mukurarama umu. Savanhu vanga varonga kuti tisangane ndigashidzwe bhuku remumwe munyori andinoda kukurukura nezvinyorwa zvake, tainge taronga kuti ini naSamanyanga tisangane munguva dzamangwanani. Pandasvika mudhorobha ndafonera Samanyanga sekurangana kwedu, vakandiudza kuti vari kuchikoro chemwana uko vange vachiona mwanasikana wavo uyo vainge vasingazivi kuti achange achiitei pamutambo wekumhanya uyu sezvo iye achinzi anofarira zvekuimba. Iyewo mwana waSamanyanga ainge audza vabereki kuti aidiwa kuchikoro asi haana kunge avaudza kuti anomhanya.

Tabva tawirirana kuti ndisvikeyo ndionewo zvange zvichiitika pachikoro apa. Tasvika pachikoro tashamisika hedu kuona kuti vana vange vari mumaHouse ane mazita echiRungu emhuka dzimwe dzinowanikwa munyika ino dzakaita sanaLeopard, Tiger, neCheetah uyewo Jaguar iyo isingawanikwi muno. Izvi hazvo hazvina nyaya sezvo ruzivo ruri moto unogokwa. Pfungwa dzinozongouyawo dzoti ko, dai dzimba dzacho dzangopiwa mazita anoti, Mbada, Dindingwe, zvichienda zvakadaro zvaizodii kana kuzosanganisawo? Asizve unozoona kuti dzimwe dzimba dzine mazita akaita sana Mbada dzaisazofarirwa navana pamwe nevamwe vadzidzisi.

Mwana waSamanyanga anga ari muLeopard House. Tamirira kuti iye anomhanya mujaho upi. Nenguva isipi taona vana vorongwa kuti vamhanye mutambo uya wekutambidzana zvimiti mushure mekunge mumwe nemumwe wavo amhanya mamita ake zana. Mwana waSamanyanga anga ari pachidanho chechipiri. Mujaho watanga uyo ange ari pekutanga ndokumhanya pake. Asviko tambidza chimuti kumwana waSamanyanga uyo amhanya zvadadisa zvokuti anga ari iye anga akatungamirira. Uyo waasvika achipa atatarika zvokuti atopindirwa neuyo ange ari wechipiri kubva kumwana waSamanyanga. Chazoitika ndechekuti wasvika achipiwa chimuti neuyo atatarika mushure mekupiwa chimuti nemwana waSamanyanga azomhanya zvakanyanya kuti aite kuti imba yake ye Leopard ikunde.

Ndadzidza kuti kana ukasiira munhu asinganyatsi kugona kufambisa ndima yawasakura mberi, imba yenyu inokundikana. Asizve uya asinganyatsikufambisa ndima zvakanaka akapa chimuti kumumhanyi anogona imba yenyu inokunda. Imba inoda kunyatsorongwa. Zvikachinzi naSamanyanga, kune vadzidzisi mukuronga vana vachiiswa mudzimba dzakasiyana-siyana vanototora vana vavanoziva kuti vanomhanya zvakakwana vachiiswa muimba iyo inenge iri yevadzidzisi ava. Hanzi vamwe vanototi musi wekupa vana nzvimbo vobvunza kuti vanogona kumhanya here kana kwete. Shasha dzose dzichirongedzwa muimba imwe. Chikiribidi chaicho. Kukuruka dzimwe dzimba kuti dzigoita sekuti hadzigoni kudzidzisa vana vadzo kumhanya. Kukurukana kunobva kure.

Ndaseka apo tange tava kutaurirana kuti iyesu zvedu taiti kana tava kukwikwidzana taitoona sekuti tiri muhondo. Paiimbwa ipapo tichikuza vamwe vedu vanenge vane zvipo zvekumhanya. Kuimba tichisvotesana zvokusvotesana zviya. Kana wedu ari mberi taibva tatanga kuombera maoko tichimukuza kuti arambe achiwedzera kumhanya. Kumhanya achienda mberi-mberi chaiko. Taifara chose. Kufara zvokukanganwa kuti panyika pane kumba kuna vabereki kana mombe dzataizonotsvaka kuti dzipinde mumatanga. Kwaiva kufara. Asiwo nhasi hatina kuona mufaro wakadzama kudaro. Vabereki vange vakangogara zvavo sekunonzi hapana chiri kuitika. Kana zviya vana vapedza mujaho vozomupembedza kuti waita zvakanaka. Ndafara zvakadaro kuti vabereki ava vanotoenda kundoona vana vavo vachimhanya musi weMugovera zuva rekusonananidza twakasiayana-siyana. Zvinokudzwa.

Comments

Popular Posts