Bond coin wandidzora kundopemberera mwenga



Ndafunga zvangu kare-kare ndichiri kukura zviya kana murume wemumusha kana wemumana aching aroora mwenga auya kuperekwa navanatete vake vachichingamidzwa navazukuru uye tete vemurume. Muroora aisauya masikati pamusha. Aiuya munguva dzehusiku kazhinji kacho pakati pehusiku. Zvainge zvaiyera kuti mwenga asvike mumusha zuva rakacheka nyika nyika. Vavakidzani vaigara vaudzwa kuti kwedu kuri kuuya mwaenga. Vanhu vaiuya pamusha panouya mwenga kuzopemmberera mwenga.
Zvaiti kana mwenga ave pedyo nekusvika mumusha wainzwa vaya vauya naye vave kuimba vachi,

Muroora
Tauya naye
Muroora
Tauya naye namagumbezi

Mumwe nemumwe ainge ari pagungano rekupemberera mwenga aibva agadzirira zvino kuti aone muroora wacho auya. Apa umwe neumwe anenge ave kuswedera pedyo nechipo chake kuti chisatorwa nemumwe.
Paiuya mwenga makare aya aiuya akafukidzwa nemucheka muchena wainzwi kwiriti. Hazvaiita kuti mwenga abvise kwiriti iyi asina kushonongorwa. Wose aida kuona mwenga aifanira kutanga amushonongora. Kana usina kushonongora mwenga unobva waisagona kumuona kusvikira zuva ramangwana ava kuonekwa nemunhu wese. Zvakadaro waisagona kumumhoresa kana usina kumushonongora. Izvi zvaireva kuti waigona kugara nemuroora mumusha usina kumumhoresa kusvika wamushonongora.
Mwenga aisangouya mumusha nguva dzose-dzose. Aiwanzouya mumwaka wechirimo mombe dzomberereka namashanga. Iyi ndiyo nguva yaiuya mwenga mumusha. Zvino zvaiti kana vaya vane zvipo vapedza, vaimbi wainzwa vokoka vaya vasina zvipo kuti vashonongore mwenga nezvibatiso izvo vaizogona kudzikunura kana vashanda.
Nenyaya yekuti nguva iyi yaiva yechirimo wainzwa voimba vachiti;

Vasina mari
Torai majanga mupemberere
Vasina mari
Torai majanga mupemberere

Waiona dungwe revasina zvipo zvino uyo ane janga rechibage, umwe rebvunde, umwewo remhunga kana rerukweza kuti ape mwenga chibatiso chaaizodzikunura kana awana chokupa mwenga. Mwenga aizochengeta zvibatiso izvi kusvika varidzi vazvo vazvidzikunura. Ndipowo pandafunga iwe Bond coin.

Comments

Popular Posts