Kunzi uri remazve uku!



Tainge tigere zvedu naJoromiyo. Seshamwari yangu ndakati regaiwo ndimuturire mutoro wandiremera. Kwainge kwaita vamwe mai vaiva namashiripiti kubasa kwangu. Mai ivavo vainge vakaoma chose. Vaijuya vakapfeka tuno tomhini twaisiya zvidzva zvavo ziri pamhene. Kana vogara vaita makumbo okukanda zvokuti ganda remukati mezvidzva jenajena raibva rati pachena yacha. Izvozvo ini ndimire ndichimirira kuti vandipe shoko rokuenda naro. Kundidenha zvangu.
Ndakambofunga hwaDavhiti mambo wenyika yavaJudha zviya paya paakaona mudzimai waUriya achigeza. Ndakafungisisa ini ndokuti kwete. Ndine chimiro chandinacho. Ndiri weumambo. Mambo haakandirwi sadza sembwa.
Joromiyo ndipowo panonditi uri benzi. Hanzi, “Ndipowo paunozoti kana woshaya madzimai akadai anokupa pachena wozotambudza vaporofita uchiti wakakandwa chisinha iwe uriwe unoramba zvawapiwa navadzimu. Inga kunotaurwa kuchinzi wani chawawana batisisa mudzimu haupi kaviri wani,  zvino iwe ukaregera mai yekutenyama iyoyi ichienda usina zvawaita uchadzingwa kana nairo basa ugosara usina kana chokubata. Mhuri igochohonywa magaro nehuku. Unoti waitei kana zvazosvika pakadaro?”
Ndakamutarira ndokubva ndaseka. Ndakatanga kutarira vamwe vanhu vane nhorondo dzakanyorwa vakakundikana kuwana zvaiva vakakodzera kuwana nokuda kwekuti vainge vakwezva nemadzimai. Ndakaona mambo Davhiti vachichema kuna Mwari kuri kukumbira ruregerero mushre mekutora mudzimai waUriya. Ndakaonazve Samson achipofomara mushure mekunge agerwa naDherera. Zvinodzimba zvakadii kuti unofumrwa nokuda kwemudzimai? Ndakanzwazve kuti Makate akakunda Nohoreka nokuti ainge amupa hanzvadzi yake semusori wenheyo dzehukomba nehukuriri hwaMakate. Makate ndokuti ndaiwana tsvarakadenga mwanasikana akanaka zvaimwisa mvura. Izvo ndiwo aitova mavambo okuparara kwake. Kubvira ipapo haana kuzoonekwazve kunyange nerudzi rwake haruna akazoonazve. Zvichingosakiswa nokusazvibata. Iyoyi yaJoromiyo yekuti dzawira mutswanda.
Iye ndipowo paakandiseka. Kuseka chikuwe chaicho sezvinonzi paita zvinotyorambabvu zvataurwa. “Uri rema. Uchafa uchisekwa nepwere. Murume chaiye haaregeri zvauya zvega izvi. Chete mapkudzi anowira kusina hari. Dai ndirini ndakatopeda nazvo kudhara. Kutaura kuno izvozvi pane imwe nguva mai yachmo isitorisina basa newe ichiti yakapedza newe. Ingadai yonhanira kune vamwe. Zvino iyo yako yokungoona iyi uchisiya zvakadaro hameno hako. Usazoti sahwira haana kundiudza.”
Kutinhira mombe mumunda hakunonoki asi kuzoripa padyiwa nemombe dzako ndiko kunonetsa. Ndakati kunun’unu kufunga. Ndakaona mhuri kumba. Ndakatarira chitsidzo chiya chaiva muruoko ndikati zvino Mwari wacho wandakavimbisa kuti ini ndazvipira kuva nemudzimai umwe chete ndozviita sei? Ndongowira mumatope here kana kuti ndoita sei? Ndozoita hwaDhavhiti here wekuti mambo ndiregererei apedza kana hwaSamson hwekuzoti mambo ndidzorerei samba riya ndiparadze urwu pamwe neni zvangu zvandakutadzirai? Moyo wakati uri mambo. Unofanira kugara umambo. Humambo hwepasi huri mumaoko ako. Usazviodza nekutamba nevakaora. Usasvibisa chimiro chako nekunyengedzwa kunzi murume anenge muvhumi, haasarudzi, chamuka inyama. Chese changomuka anouraya nenyoka isinei nekugara munhava make. Kungoiuraira kuti yapindirei munzira yake achisiya yakadaro.
Ndopandakazoyeukawo nyaya yaJoseph. Ndakanzwa moyo wangu kufara. Kunotoriwo neumwe akabvisirwa hembe iye ndokuti izvi hazvisi zvangu izvi. Zvine varidzi vazvo izvi. Kudai ari Joromiyo sekutaura kwake ingadai akatora mukadzi waPotifa. Kutofeva naye chaiko. Humambo hwake hugova munhoroondo yekuti ndiye uya wekubatikidzwa ane mukadzi wegurukota ramambo. Kwete! Kwete! Ini ndakaramba.
Joromiya akati ungwarire kuzonzi wandibata ugopikira jere pasina. Madzimai anozvigona zvokunenera varume mhosva yokuti wandibata ivo vasina kubatwa. Ndakasekawo ipapa. Ndakabva ndamuudza Joromiyo kuti izvozvo zvakanaka. Chokwadi chinosara chichipisa mai yacho zvokuti kana kugarisika haigoni. Ini ndinenge ndichingoti ndiri mambo. Muiviri wangu haubatwi nousina kupikira kuubata. Ariyo akapikira. Iyeye ndiye oga akafanira kuubata. Ndizvo chete zvinopa chimiro. Pane kungonzi ndiyaniwo zvake asingachazivi hurefu nekushaya njere kwababa ava.   

Comments

Popular Posts