Kunyepera vana vedu



Ndiye uyo Joromiyo mumanheru ari kupaumba. Kumuwana achipopota unofunga kuti atadzirwa muuro iwayo chaiwo. Izvo kwani, atadzirwa makore manomwe adarika. Anongova nazvo mumoyo hazvibudi. Paari kana wakamutadzira anosunga mafundo kunge chembere iri kusungira mari yevazukuru vayo youyu payo yega yeuyo payo yega. Chimwe nechimwe chifundo pamucheka wekumonera wayo chinenge chichitaura basa remuzukuru.
Hazvibatsiri vana vedu izvi. Ini ndinoshaya kuzviremekedza kana zvichinge zvadai. Ini pandaida kuenda kukoreji yekudzidzira kudzidzisa vana vane maspecial needs, ndakanzi ini handigoni kuendako nokuti ndaive ndisati ndakura. Ndaive ndisati ndapwa mhepo. Ndaifanira kudzidzisa vana vasinah urema kwemakore mana aya kana zvadaro ndozoenda kundodzidzira basa iri. Izvozvo anenge achisumudza minwe mina mudenga kuti vanhu vaone makore aakashanda akamirira kudzokera kukoreji kundodzidzira kudzidzisa vana vane hurema. Kana nharo dzokuti akandodzidzira izvi haudziwani. Anenge achitoona seari mukirasi yekudzidzisa vaya vane hurema hwekusanzwa nokutaura.
Zvino ndauya kuchikoro ndoti ini ndinoda kuva nekirasi yevana vasingaoni. Iyi kirasi ndaive ndaiwana pachikoro chemuHarare uko pedo neguta reHarare uko. Ndipowo pandinoudzwa kuti hapasati pava nenzvimbo. Pane kuti ndiende kubasa ndindobatsira vana ndakarambidzwa kwegore rose. Ndakamirira ndichidzidzisa vaya vaneh urema hwepfungwa dzakati dzikirei. Ndakamira navo ava kwegore rose. Kwaiva kundoodza moyo. Kuti ndigoti zvekudzidzisa vana vane hurema zvaramba. Ndakaramba ndimire ndichienderera mberi ndakamirira kuenda kundotora kirasi yangu yepachikoro chiya chiri pedyo neguta reHarare.
Kupera kwakaita gore kwakazoita kuti ndiende pachikoro chiya chiri pedo neguta reHarare. Pandinosvikapo ndipo pandinonzi yako kirasi yevana vasingaoni nevane utara haugoni kuiwana iye zvino. Kirasi iripo ndiye iya yevana vane hurema hwekusanzwa nekutaura. Ndakambosekera mudundundu zvangu ndakatarira vanhu ava. Ndakatarira ndokuona kuti vadzidzisi vose vaiva pachikoro apa vaisava vakadzidzira kudzidzisa vana vane hurema. Vaingova vadzidzisi asi kwete vevana vane hurema.
Chakanyanya kundigumbura ndechokuti zviya kana mudzidzisi achienda kuzororo kundozorora kwekotoro yose zvayo, anotsiviwa nemudzidzisi asina kudzidzira basa. Mwana zvake arikubva kuchikoro asati amboziva kuti vana vanobatwa sei. Iyeye ndiye anozi ngaaende andotsiva mudzidzisi aenda kuzororo. Vana vanopedza kotoro yese vasina chavadzidza. Iye ndiye unonge achitodzidziswa navana. Vana vanenge vachigona kushandisa muchina wekunyora nawo weBraille asi iye anenge asingagoni. Vana vanenge vachigona kushandisa mutauro wezviratidzo asi mudzidzisi vanenge vasingazivi.
Zvinobatsira ani izvozvi? Vana vedu havana chavanowana apa. Ipapo ndipowo paunonzwa vanhu vakare ivavo vava kunzi ndivo vanonzwira tsitsi vana vane hurema. Kundinyepera. Handidi kunyeperwa ini. Vana vane hurema vanofanira kudzidziswa navanhu vakura vapwe mhepo. Vanhu vava neudzamu hwepfungwa uye vanoziva kuti varikuveza ramangwana revana kwete izvi zvamatakanana. Kana kuvaremekedza vanhu vanouraya ramangwana ravana vangu ava kwete. Handigoni kuremekedza munhu anouraya vanhu vakawanda kudai nekukanganisa kwezuva rimwe chete. Handidi.
Chimwe chondinetsa chikuru ndechekuti pazvikoro zvedu tine dambudziko rezvekushandisa. Kana munhu anoda kutibatsira nezvekushandisa akauya zvonzi tiudze vakuru vekubazi rezvedzidzo. Kana taenda ikoko tsamba dzedu dzinogarirwa kwemwedzi mizhinji chaizvo dzisina kupindurwa. Ukapinda mune iyi hofisi wonzi enda mune iyo imomo wonzizve enda mune iyo. Unongoramba uchitenderedzwa muswere wezuva wose usina chaipoipo pawabatsirwa. Apa vana nguva inenge ichifamba vasina kuwana rubatsiro. Izvo zvacho zvavanofanira kuwana vanenge vasina kuzviwana. Vakuru vanozviti vakuru vakagarira mhinduro. Anoda kubatsira anopedzesera awora moyo akazviregawo.
Saka toti zvinobatsira izvozvi? Hapana chiripo apa? Hapana apa. Ndivo vanototadzira vana pane kuvachengetedza.    

Comments

Popular Posts