Kumbozvifungawo bodo

Kutaura kwaJoromiyo vakomana navasikana imi! Hanzi, zvamunoparidza shoko muchiti munonamata madzimoni, ndiyani asingnamati madhimoni? Kereke dzamunonamatira dzine mazita adzo ndiana St John, St Peter, St Parick, ko varidzi vemazita iwaya vapenyu here? Ko iyo migwagwa yamunoshofera magarimoto enyu handiti akazara namazita avafi? Ndiyani asingazvizivi? Kana iyo midhuri yamunoshandira mahofisi enyu? Asingazivi kuti mazita acho ndeevafi ndiyani? Pedzezvo kana mava mumakereke motuka vamwe muchiti tonama madhimoni? Imi vanhu kwanai. Itai mushe? Nemiwo munonamata madhimoni.
Joromiyo andifungisa kukereke mufundisi Mabhande vachiparidza shoko rokunamata mweya yesvina. ipapo vachikanda mavoko avo uko nekoko vachitambatamba kunge murwi wetsiva ari kugadzirira kukanda zvibhakera. Furo richipupuma namativi emuromo izvozvo uku mudzimai wavo akapfugama achinamata. Murume mukuru anenge achiyerera ziya izvozvo misodzi ichiyerera achituka mweya yemadzinza yose yevanasekuru, vana tete, nana mbuya vakafa karekare. Achivaraira kuti vapiswe nemoto naJesu.
Anongogumira pakuti Jesu.hazvina anobvunza kuti Jesu uyu ndiye Jesu Kristu here kana kuti anongoriwo umwe Jesu mudzimu wemunhu akafa kare. Kana ari Jesu Kristu sei mufundisi Mabhande asingatauri zita racho rese richizara? Pane nyaya ipapa. Kuti ingava nyaya yekudimburira mazita here? Chii chaizvo? Ndakzvitarira ndikaona kuti Joromiyo ane nyaya. Kanapo zvayo isiri yechokwadi, asi ane nyaya. Nyaya inoda kunyatsotariswa zvakadzama.
Panopedza mufundisi kuparidza vanobva nasheedzera kuti vanhu vose vuyai ndikupei minana yenyu. unoona vanhu vose vachiiti dungwe rongondo kuenda kundonamatirwa kuti vawane kugashira minana yavo. Vanenge vachida kugashidzwa minana namufundisi Mabhande. Mufundisi Mabhande vane vamwe vakadzi vaviri vanouya vachitora zvokudya muchitoro chavo vasina kubhadhara vachiti vanoda kundochengeta vana vamufundisi. Ivo mufundisi vannongoita sokuti havana chavanoziva. Zvino vashandi vacho vava kutorawo zvitengeswa zvamufundisi vachinyora kuti madzimai evana vamufundisi ndiwo atora. Mufundisi vanongogutsirira musoro vachiratidza kuti havana chokutaura. Vanenge vava kutotya kuti vakati bufu chipande chavo chobuda pachena.

Comments

Popular Posts