Kunyorera vana iye zvino (Writing for children now) ZIBF 2013 Writers Workshop

Hurukuro dzemusangano wevanyori dzichaitwa panguva yezviratidzwa zvemabhuku zveZimbabwe International Book Fair (ZIBF) zvichange zviriyo muHarare kubva musi wa5 Gumiguru 2013 dzichange dzichifamba nedingindira rinoti ‘kunyorera vana iye zvino’.
Dingindira iri rindibata zvikuru nokuti pandinofamba ndichitsvakira mwanakomana wangu mabhuku ekuti adzidze kubva mukuona mifananidzo ndinoona mabhuku ezera rake andinona akanyorwa navanyori vekunze kweZimbabwe. Mifananidzo iri mumabhku acho ndeyezviwakwa nezvipuka zvekunze kweZimbabwe. Zvinorumbidzwa zvacho ndezveikoko zvakare. Pfungwa dzinobuda muzvinyorwa izvi ndedzekunobva zvinyorwa izvi. Hazvina hazvo kushata kuti vana vadzidzewo zvekune dzimwe nyika. Mazuva ano pasi rose zvarangova seruwa rumwe chete kuburikidza nokushandiswa kwedandira munyika zhinji dzepasi rino zvakanaka chose kuti vana vawane ruzivo netsika namagarriro evavakidzani muruwa urwu. Asizve zvinonzi zano pangwa une rako! Zvino vana vedu vanopangwa vasina kana nezano zvaro.
Padandira pacho pamadanemutande mazhinji panonyorwa nechiRungu. Kana aripo mandandemutande anonyorwa nendimi dzemuZimbabwe haazadzi chanza chimwe zvacho. Kuringa munyika ine mitauro yakawanda kudaro, unobva washaya kuti tiri kurasika papi chaipo sevanhu? Nguva ino yekuvapo kwedandira yaifanira kuva yakanakira nyika kuti ishandisewo mitauro yayo kuitira kuti izivikanwe nevagari veruwa runonzi pasi rose urwu. Chakashata chingava chii kuti munhu adadewo nomutauro wake? Vaimbi ndivo vasara vari mundima yokusumudzira mitauro yemuZimbabwe. Kunyange vakaenda kundoimba kunze kwenyika havaimbi dzimbo vachiturikira.
Handidi kurashika nyaya yaita ndinyore chinyorwa chino. Nyaya yokunyorera vana nyaya dzokuverenga iye zvino. Mumazuva ano vana vava kudzera nguva yavo refu padandira. Vana vazhinji vanenge vari paWatsapp, Facebook nezvimwewo zvakadaro zvinowanikwa padandira. Padandira pane vanhu vakasiyanasiyana. Vamwe vacho vanombunyukidza dandira nenzira yokunyora zvisina maturo. Izvi ndizvo zvinosangana navana vachiverenga. Zvizhinji zvisina zera navo. Nenyaya yekuti vana vanenge vachida shamwari dzokuseka nadzo vanowana dzimwe shamwari dzisiri dzezera ravo. Zvizhinji zvinenge zvichikurukurwa zvinenge zvisiri zvezera ravo. Zvimwe zvacho zvinoita kuti makurire namafungire avo asava akarongeka.
World Readers iri kuita izvi kubudikidza nokukurudzira vanyori kunyora nyaya nendimi dzavo idzo dzinozoiswa padandira uye munharembozha kuti vana vawane kuverenga nyaya dzavo mururimi rwavo. Zvinyorwa zvacho zvinenge zvine mifananidzo yezvivakwa mhuka navanhu vemuZimbabwe? Izvi zvinoita kuti vana vagone kukura vachidada nezvavari.
Tikatarira mafirimu anoonekwa nevana pachivhitivhiti muZimbabwe, panoonekwa kuti hapanawo zvapo mafirimu akagadzirirwa vana. Mazhinji acho ndeevanhu vakuru. Acho evana anobva kune dzimwe nyika zvakare. Vana vazhinji havachavenga mabhuku vava kuda kuita ruzivo rwokuona. Izvi zvinoita kuti vana vemuZimbabwe vazivisise zvenyika dzokunze kudarika yavo. Sakiso iriyo yokuti zvavanoverenga nokuona zvine mazita ekunze kwenyika. Mukudai hapana chatagonera rudzi rwamangwana. Kana vana ava vazoshanya kunyika dzekunze idzi havana chavangagoverana navamwe vana vezera ravo vekunyika dzekunze idzi. Zvinovapa urombo uye vapemhi hupemhi husingaperi. Vana vanoramba vachingova vashuzhi nokuti havana pukuvazhawo ruzivo rwemumusha mavo. Vakuru vavo vakavapira gotsi.
Vatambi vemitambo yekuyedzesera vanoshandiswa mitambo yakanyorwa nevanyori vekunze kwenyika. Mitambo yemuno haiwanikwi. Kashoma kuiwana iri mumabhuku. Mizhinji inowanikwa mumabhuku ndeyevanhu vakuru. Pane kuti vaone nekutamba mitambo yevana vanoona nekutamba mitambo yevanhu vakuru. Vana vanotaura neizwi remunhu mukuru kunyange paya pavanoita nhetembo pamagungano chaipo. Pane kuti vaone nokutamba mitambo ine chekuita neupenyu, tsika namagariro avo vanodzidza zvekune dzimwe nyika zvogazvoga. Zvino kana vana vomhanyira tsika dzavanoona zvingava zvinokahadzisa here? Ruzivo rwavanarwo ndirwekugoka. Rwavo hwava!
Vana vanoda kunyorerwa iye zvino sekureva kwedingindira rehukuro dzichaitwa nevanyori pamusangano wavo munguva yeZIBF. Mukupemberera makore makumi matatu zviratidzwa zvemabhuku zvichitwa uyewo iyo nyika yava nemakore makumi matatu namatatu yasununguka, vana veZimbabwe vanofanira kudzidza chii? Mutauro wavo ndeupi? Vanyori vonyorera vana nomutauro upi? Vovanyorera nechiShona here, siNdebele here, Xangani here, Tonga here, Kalanga here, Nyanja here, Venda here, Nambya here kana kuti nechiRungu? Ndeyipi nzira ingashandiswa kuti nyaya dzisvike kuvana? Izvi zvimwe zvezvimwe zvinofanira kukurukurwa.
Vanyori ndivo vanosvinudza kana kupofomadza nyika. Kana vanyori vasinganyoreri vaduku kureva kuti nyika yapofomara. Mafungiro nemaitiro enyika haachazi etsika dzenyika iyoyo asi ekukwereta. Kana vanyori vakanyora nyaya dzavana nyika yasvinura nokuti vanogona kumira vachidada nezvekwavo.
Hurukuro yakadai inodawo vatsikisi vemabhuku nevanotungamira zvirongwa pachivhitivhiti varipo. Kusavapo kwavo kungava kubika sadza mbodza. Ndivo vane masimba ekuti zvinyorwa zvevanyori zvigone kusvika kuvana. Hongu hazvo vamwe vanogona kuti nekuvapo kwedandira kana ari mabhuku kana mafirimu hazvichanetsa kuburitsa kunyika, asizve pane dambudziko reuwandu hwevanhu vanogona kuva padandira. Magetsi anoti netsei, mari yekubhadhara kuti munhu ave padandira inonetsa saka vana vanoponera kumabhuku anobatika. Kuti munyori asazviunganidzire zinomunetsa, zvakanaka kuti ashande navanotsikisa mabhuku pamwe naavo vanoita zvirongwa zvepachivhitivhiti kushambadzira basa rake.

Comments

Popular Posts