Chikwereti hachizivi hama kana shamwari unotochibvunza

ZvaJoromiyo nhai. Nhasi ndini uyo ndomubvunzawo chikwereti chebasa raakati ndiite raasina kuripira. Ainge andivimbisa kuti aizoripira basa racho masvondo maviri adarika. Ndakatova nesvondo mbiri ndakamirira kuti aripire basa iri. Svondo yokutanga ndakambonyarara ndichifunga kuti kana naiye anofungawo semunhu ane chikwereti kuti muridzi wemari yake ave kuida. Pose pandakasangana naye pasvondo rekutanga aisambotaura nezvekuti chii change chamunonotsa kuti andiripire basa randakamuitira. Ndakanyarara ndichiti ndikabvunza pakaungana vanhu vanozoziva kuti shamwari yangu inonetsa pakuripa zvikwereti. Ndikadaro ndinenge ndamufumura kuvatorwa. Ndaitotyira kuti anozoshaya vokutamba nokushanda navo vanhu votya kuti munhu asingazadzisi zvivimbiso zvake.
Musvondo yechipiri ndimo mandakazomuchaira runhare svondo yotondopera. Ndipowo Joromiyo paaninditi, “Shamwari handisati ndawana mari. Vanhu vandaifunga kuti vangandipa mari vanoti vachatoisa mari maakaundi yangu asi zvinotora mazuva akati kuti isati yaratidza kuti yapinda muakaundi yangu. Saka ndichazokuchaira nhare kana zvaita.”
Ndakashamiswa nokuita kweshamwari yangu iyi yainge yandimanyisa kuita basa zvichiita sokuti kana ndapedza ndinobva ndangowana mari yacho chiriporipocho. Ndakakwidza izwi ndomurangaridza kuti dzainge dzatova svondo mbiri ndakamirira kuti andiripire basa randakamuitira kubva musi wainge avimbisa kuti ndiwo waazondipa mari yangu.
Joromiyo ndipo paanoti kwandiri, “Nhai shamwari wakazotanga kugona kupenga riniko nhai? Inga kubasa kwako vava nemwedzi mitatu vasati vakuripa wani? Ini ndingori nesvondo mbiri ndini wowoda kutsvusira meso here usingaatsvusiri iye vekubasa kwako.”
Paiva panhare. Ungaiteyi nemunhu wakadai. Ndakabva ndaona kuti chikwereti chikwereti zvechokwadi. Chinoda kutevrwa. Asi ikoko wotosunga moyo nokuti ukaenda moyo uri mutate unogona kukomoka neshungu wadirwa mweya wechidembo. Ndakafunga kuti heya saka kana ndichitamba neshamwari dzangu ndichiudza nhuna dzangu naidzowo dzinenge dzichitondirongera dhende. Kundirongera yakaora chaiyo. Dai aiva shamwari yangu handiti ingadai akanditi aiwa zvausina kuwana muripo wekubasa kwako chirega ndikubatsire. Ingadaizve akatondiripira basa randakamuitira nokukasika.
Joromiyo hameno kuti zvinouya sei kwaari. Kuita kwake ndokwekuda kusumudza moyo wangu. Kugumbura ndangariro dzangu. Ini hangu handidi zvokutaura zvakawanda asi handichaudzi munhu nhuna dzangu. Ndinovimba kuti kutaura naMwari kuri nani. Kuti naiye angandisungirawo misungo yakaita kunge yaJoromiyo here? Handina kuziva kuti pandaitaura kudaro ndainge ndaisati ndadambura nhare. Ndakainzwa iyewo oti, “Kana naiye achida kupfugamirwa, kurumbidzwa nokunamatwa zvinonetsa. Unogona kutozoona kuti ,kushanda navanhu vaunoona zuva nezuva kuri nane chose nokuti unogona kutaura navo muchipindurana, kwete izvi zvenyu izvi zvenyu izvi zvekupfugama. Muchaita mhanza pamabvi sembudzi asi chabudawe hwava! Handiti dai aikunzwa akatoita kuti ndikupe mari yako kare?”
Joromiyo anenge mweya weumhondi unoti kana wagara munhu haumusiyi kusvika munhu wacho aponda. Kana aponda wobva womutiza uchienda zvawo kurekure naye uko anosara ega iota kunge asina kusimira. Zvino oona kuti ropa ririkuyerera rateuka nokusada kwake. Ipapo anenge oti hameno change chakandibata. Mweya wetsvina. Joromiyo uri mweya wetsvina. Handidi hangu nemashoko angu akawanda asi uri mweya wetsvina chete. Ndichakudzokera, chirega ndndonamata zvangu ndisiyane newe. Zvawataura ndazvinzwa Mwari ndivo vanoona.
“Uchachembera uchingoti Mwari ndivo vanoona ziya rako richiteukira mahara. Mari yako inongoramba iri mumaoko evamwe. Kufa wakafuma nezvikwereti zvisingafi zvakauya kwauri. Panonzi vakakweretwa sumukai mutaure zvamaive makakweretwa pohaikwa kana munhu mumwe zviri zvechokwadi. Asi panozonzi vakakwereta sumukai tikounei poshaikwazve kana munhu mumwe anosumuka, asi ari manyepo. Hazvibatsiri izvi shamwari yangu. Sumukawo upopote unzikwe kuti ndiwe uripo.”
Joromiyoka iwe Joromiyo, usadaro.  

Comments

Popular Posts