Zvinotarisirwa pasi zvosimudzirwa

Kubvira musi wa26 Gumiguru kusvika musi wa2 Mbudzi, kuchange kuine guwerere remitauro yemuAfrica richikotsverwa neveAfrolit Sans Frontieres, iro richange richitambirwa nekuoneswa papeji yeFacebook yeAfrolit Sans Frontieres, paYouTube, uye paTwitter@AfrolitSansFro1. Guwerere iri richange richiunganidza vanyori gumi navatanhatu vemuAfrica vanonyora nendimi dzemuAfrica idzo dzisinganyanyi kutaurwa nezvadzo sezvo nguva zhinji panotaurwa nezvenyori vemuAfrica kunenge kuchitaurwa nezveavo vanonyora nendimi dzakaita seEnglish, French, Portuguese neSpanish. Iri gungano richatambwa kwemazuva masere uye richiitwa nemundimi sere dzemuAfrica dzinoti, Shona, Amharic, Ewe, Hausa, IsiZulu, Kiswahili, Lingala neYorubha. Zvakadero hazvo vakotsveri veguwerere iri vanoti Afrolit kunyange hazvo hurukuro dzichange chichiitwa mururimi ruchange ruchiitwa zuva rimwe nerimwe, vakokeri veguwerere vachange vachikokera basa iri vachange vachipota vachipindura hurukuro idzi kubva mururimi rwemuAfrica kuisa muChiRumbi, Furenji, kana Putukezi nechinangwa chekuti vaoni nevatereri vadzidzewo kubva kune mimwe mitauro uye kuti vazivewo budiriro iri kuitwa mugwara rekuchengetedza mitauro uye muuvaranomwe huri mumitauro iyi. Zvakarongeka kuti umwe neumwe paari atsigire chiitiko ichi senzira kana hondo yekuchengetedza mutauro munguva ino pasi rose rave kunge mana rimwe rinoshandisa mitauro iyo isiri yemuAfrica. Zvakanakavo chose kuti Africa ipinde mumana iri nemutauro wayo. Zukiswa Wanner ndiye achange achitungamirira hurongedzwa hweguwerere iri. Shona ichange ichimiririrwa naMarcylin Mugariri naAaron Chiundura Moyo.

Comments

Popular Posts