Mvura yemuHarare ine marudzi

Marudzi anonyanya kutaurwa kana tichitaura nezvevanhu, mbeu dzekurima, zvipfuyo asi mvura yaisanyanya kutarisirwa kuva nemavara akasiyana-siya iyo ichiyerera murwizi rumwe chete semvura yemuHarare. Izvi zvakaonekwa murwendo rwekushanyira nharaunda muhurongwa hweZimbabwe Union of Journalists uko kwakaitwa ichifambidzana nehurungamiri hweCity of Harare nevamiriri veEnvironment Management Agency mumwedzi yadarika apo nyika yainge iri mukati mukuvjhararirwa mudzimba nekuda kwerudzibwamupengo rweCOVID-19 urwo rwainge rwamisa mabasa ose uye kushanya kose pasi rose. Chakashamisa munyori uno nevamwe vatappi venhau vaive pakushanya uku ndechokuti mvura yemuHarare ine mavara akasiyana-siyana zvichienderana nekuti musi iwoyo rwizi Marimba ruri kusvibiswa nani pavasvibisi verwizi urwu vanosanganisira vagari veHarare, Kanzuru yeHarare nemahindasitiri emuHarare. Vasvibisi vekuindasitiri vanodira svina isina kurapwa murwizi Marimba, vekanzura vachidira mvura yemangoya iyo inenge yadzuvhuka kubva kumapaipi anenge avharika zvekusagona kufambisa mvura ine svina icnenge ichifanira kuenda uko inenge ichindogezwa kumunda wekuCrobrough uko inoshandiswa kudiridzira bundo ren'ombe. Kana ichisvibiswa nesvina inobva kumaahindasitiri ekuWorkington muHarare inenge ine ruvara rutema runoratidza kuti zvina ine maoiri akawanda kubva kunzvimbo iyi. Izvi zvinoratidza kushaya hanya kwevaridzi vemahindasitiri ava vanenge vakanangana nekuita mukuri kubva pamabasa avo ekugadzira zvinhu aya.
Asivo kana mvura iyi ichisvibiswa nekuda kwemvura yamangoya inokonzerwa nekudzubvuka kunenge kuchiita mapaipi emangoya, ruvara rwemvura runenge ruchiita kunge hweta iya inosara pasi pehari redoro kana rava nemazuva akati wandei risina kumwiwa. Inenge ine munhuhwi wekuti unovhara mhino zvinotyisa. Mufanikiso uri pazasi unotaridza kuti iko kanzuru inogona kutora nguva refu isina kusunungura kufamba kwemangoya nekubvisa svina inenge yakonzera kuvharirwa kwenzira inofamba nemangoya izvo zvinenge zvakandwa nevagari vemunharaunda inenge yadzabvuka mangoya iyi.
Aya ndiwo marudzi emvura dzinoyerera muna Marimba zvichisiyana nemusi kana nguva. Ndiwo marudzi emvura inoyerera ichienda kuna Lake Chivero uko inozocheneswa kuita mvura yekushandisa zvakare mudzimba dzedu dzemuHarare. Imwe nguva vagari vemuHarare vanogara nguva refu vasina mvura vachinzi hakuna mushonga wekuchenesa mvura.

Comments

Popular Posts