ZVatakaoneswa mukushanya mumusha weHarare

 Gore richitanga sangano revatapi venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ)rakaita zvidzidzo pahotera yeRainbow Towers apo vatapi venhau kubva mundima dzekutapa nhau dzakasiyana-siyana vakaunganidzwa kuti vakurudzirwe kunyora nyaya dzine chekuita nenharaunda dzavagere senzira yekusimbaradza ukama uye kusimidzira mabasa ebudiriro munharaunda idzi. 


Mukufamba umu umo ZUJ yaibatana pamwe nehutungamiri hwenharaunda kubva kumakanzera, vamiriri veparamende, hutungamiri hwemapoka anoona nezvevagari vemuguta reHarare pamwe nevanoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda muZimbabwe veEnvironment Management Agency (EMA) hwakationesa zvikukutu.


Mukushanyira nharaunda umu takaona kuti nharaunda yeHarare inosvibiswa nemapoka anoita matatu anoti vekumaindasitiri, vekanzuru uye vagari pachavo. 




Mvura inobva kumaIndasitiri ekuWarkington anorasira mvura ine svina isina kurapwa murwizi Marimba urwo rwunozoenda nemvura iyi kuLake Chivero isina kurapwa kudero uko inotyirwa kuti inogona kuuraya zvipukanana zvemumvura pamwe nekukonzera zvigwere kuvanhu pamwe nekukonzera kudhura kwekucheneswa kwemvura. Mufanaikiso naTinashe Muchuri, 2020.

Vamwe vagari vekuMufakose vakaona havo pane imwe nzvimbo pedo nepanoputika mapaipi anorasha zvisna iyovo inoyerera ichipinda muna Marimba apo kanzuru yakatora nguva yakarebesa isina kugadzira mapaipi izvo zvaipavo kuti svina yavanhu iyerere zvayo ichipinda muna Marimba pasina anoita hanya nayo. Mufanikiso unoratidza apo vashanyi vaisanganisira vatapi venhau vashandi vekanzuru, nevashandi veEMA vachipinda nemuzvipindu zvevagari vekuMufakose zvavanodiridzira nemvura inonyuka pasi kwete yemangoya(sewage). Mufanikiso naTinashe Muchuri, 2020.


Ko iwe uri kuitei uri panharaunda yauri?

Vagari neimwe nzira vanotutirawo madhende mumapaipi emangoya aya atinoti mapaipi anofamba netsvina. Imomu vanoisawo ivhu iro rinonovhara mapaipi aya zvichiita kuti mangoya kana svina ifambe zvakanaka pakazvarwa zvozoita kuti itushuke ichifashukira kuzhe ichiyerera yakananga kuna Marimba kana dzimwe nzvimbo dzemunharaunda. Zvakarewo kanzuru yeHarare inoratidzawo kupererwa zvichiratidzwa nemanamire ainoita mapaipi anofamba netsina aya anenge asakara kunyanya ari esimbi. Pane imwe nguva zvivharo zvemakomba epamapaipi anofamba nemangoya aya anosiiwa asina kuvharwa zvinozoita kuti vagari vekuMufakose vavhare nemangendere edzimotokari dzakaparara uye vachisiya zviburi zvekurasira marara mumakomba aya. Mifananidzo yose iri pazasi apo inoratidza nzira dzokusvibisa nharaunda idzi.

Comments

Popular Posts