Nhengo dzenyama yehuku


Nhengo dzenyama yehuku dzine mazita. Kune vamwe vanokara vasingadi kuti nhengo dzenyama yehuku dzidyiwe nevana. Izvi vanozviitira kuti vana vasazokara kutevedzera ivo naizvozvo vana vanonzi vanodya mabwadabwada, nzondora, musongora, nezvipapapapa. Zvakanaka kuti vanhu vazive mazita enhengo dzehuku zvisinei nekuti vanokara kana kuti kwete asi kuti vave neruzivo. Hukuru ine zvirango zvizhinji. Kana munhu akaparamura anonzi abatire huku kuvabereki, vanatezvara, kana vanasekuru. Kana avabatira huku mhosva yodzima. Nhasi hatisi kutaura yekubatirana huku pakupara mhosva asi tiri kuda zvedu kuzivisana kuti idzo nhengo idzi patinodzitenga panzvimbo dzekudyira dzine mazita echirungu tinogonawo zvakare kudzitenga tichisheedzera mazita adzo eChiShona. Pazasi apo pane mazita enhengo idzi senzira yekugoverana ruzivo. Kana muine madaidzire amunoita nhengo dzehuku idzi, ngatibatsirane kukusha ruzivo, rudzi runouya tazorora rugowana pekutangira.


Musoro – musoro
Mutsipa – musongora
Bapiro- chipapapapa
Gumbo – nzondora/tsvarapasi
Chidzva- chidzva
Deveraibva – deveraidzva
Musana- dekemuto
Diti – deretere
Chuhururu- Chihururu
Chigaramanhenga – chikanganwahama
Chiropa – chiropa
Susuvarisa- munogara chikafu chisati chagezewa
Ura - mabwadabwada


@ngatidzidzeishonanatinashemuchuri

Comments

Popular Posts