Chaipfekwa paditi nevarume vekare chinonzi chii

Ruzivo zvamunoona runotambidzanwa. Nzvimbo nenzvimbo munzvimbo dzavaShona vanodaidza zvinhu, mudziyo, miti, mhuka nezvekushandisa muminda nemazita akasiyana-siyana. Zvakadero kune mazita anogona kufanana kunzvimbo dzese dzevaShona. Nhasi tiri kuda kutaura nezvechipfeko chevarume chinopfekwa paditi. Kune vamwe chainge chakazodzwa miti inoita kuti munhurume akachipfeka asakuvadzwa muhondo, mukuvhima kana mukugara munyika navamwe vane mweya yeutsinye. Chipfeko ichi chakatanga ichiita kunge tambo yaipfekwa mumutsipa ichizosungirirwa godo, chivezwa, kana mhangura. Nekufamba kwenguva rikazova dehwe remhuka uye mucheka uyo waingoshandiswa kushongedza chipfuva kana kuti diti remurume. Ichi chipfeko ndicho chatiri kuda kutaura nezvacho. Kwenyu munochidaidza kuti chii? Vamwe vanochidaidza kuti, mugudekude. Ngativezanei mukukudza mutauro wedu weChiShona.

@ngatidzidzeishonanatinashemuchuri.

Comments

Post a Comment

Popular Posts