Pandinozorora

Musabatana maoko muchiti, nematambudziko!
Handisi kuzosiya dambudziko.
Ini handisi matambudziko.
Farai muchipembera.
Pemberai muchifara.
Hamuzivisu ndiri mupfuuri.
Ndiri kutandara nemi.
Handisi wepano nekusingaperi, ndiri kutandara murino dandaro.
Ngatitandarei, ngatifarei kuti muzowana chokupembera.
Ndangariro dzandinokusiirai.
Handiwo matambudziko.

Kanzve kubatana maoko muchiti, nedzinoparadza.
Dzaparadza ani?
Ini handiparari.
Ndinorarama kune iyo nyika.
Chasanduka pandiri muviri.
Saka musazoudzana dzinoparadza kana ndazorora.
Farai muchindirangarira.
Ndangariro dzenguva yandaiva nemi dzinoparadza here?

Ndimizve munoti nedzoi, dzii?
Taurai ndidzinzwe dzamunoti nedzoi ndidzinzwe.
Nedzoi kuna ani?
Kuneni here kana kwamuri?
Idzo dzii?

Hezvo nenhamo!
Kuzorora inhamo here?
Musandipa nhamo dzandisina.
Ndine mufaro, ndiri mufaro, ndinonakigwa zvangu ini.
Ndinonakidza futi.
Musandichema senhamo.
Handina wandinosakisa kuchema senhamo ini.
Farai, hapana chekuchema apa!

Ndazorora.

Comments

Popular Posts