Ndiyani auya nemi pano

Pane nyaya yandinoda kukurukura nemi. Ndasvika pano ndichizvifambira zvangu musango muno, dzokono ndongoti mahwekwe nemi. Ndiudzeiwo kuti ndiani akauya nemi pano, uye chinangwa chake chiri chei? Musanyararazve ini ndichidai kushupika nemuvhundu usati wapera mandiri?
Muchakasara munodei. Mufananidzo naTinashe Muchuri (2015)

Ndatarira ndikaona kuti kurwizi nepano kure zvikuru. Hapana kana chigojo pedo nepano pamuri. Hapanawo panoratidza kuti mambogezwa dzokono moyanikwa kuti muome mwene wenyu agokupfekai achidziva ngozi kune vemeso ane mboni dzinenge munzwa wemupangara. Zvino zvapasina kana nzira inosvikapa pachikwenzipo pamakanzi kachata, ndiudzei mauya pano sei?

Kudai chaiva chamupupuri chakusengai, handiti umwe neumwe wenyu atora nzira yake. Kana maizosangana zvaitozovawo zvamasanga. Zvinozvomoti anofanira kuva pasi ndiye ari pasi uyowo anofanira kuva pamusoro ndiye aripo, ndiudzei chokwadi chenyu. Ndakatyamadzwa nemi. Munokatyamadza zvikuru. Changu chivindi kutaura nemi kudai. Ndaona kuti handingadzoki kumana ndisina kukubvunzai kana shoko rimwe zvaro.

Chinondipa kubvunza handina kuona kana tsoka dzouyo auya nemi pano. Kudai pamuri pachigezero ndoona pakaomera sepa yaikugezai kuti mubve tsvina zhinji nouzhinji hwadzo. Zvino zvapasina kana panoratidza akakugezai nekukuyanikai pamuri apa, ndiyani auya nemi pano.

Ndambofunga kuti zvandafamba mana rose ndikasaona pakavakwa chimbuzi, zvichida pane auya nemi kuno ari munzira yekupota seri kwegwenzi kuedza kuzvisunungura. Zvino zvapasina kana padivi pegwenzi rakamomoterwa nenhunzi, ndiyani akusvitsai pano.

Kutaura chokwadi kwakanaka. Zvino kuti ndimi vaya vanoyanikwa naNjuzu? Asivo zvomodzoka moti mose hamusi vachena machira anonzi ndiwo anofarirwa kugezwa naNjuzu, ko imi taurai kani. Ndiudzei chokwadi chenyu. Mauya nani pano?

Kana imi ndimi mungava mvura yageza tsvina yeakusiyai pano? Zvino itsvina rudziiko yaageza nekukusiyai pano? Zvino azoenda akapfekei zvamasara muri pachikwenzicho? Kuti kuna mai vakafirwa nemwanakomana asina kunge awana mudzimai wavanoda kuti asazodzoka mumusha achiti anoda kuti awane zita? Chii? Mauya nani pano? Revaizve ndizive ndiwane kuenda kumana ndine shoko rechokwadi, nokuti mukasandipindura mungwarire kupiswa neidzva ratungidzwa nevamwe vanhu vasina hanya mukatsva mukarova pasina aziva chokwadi kuti ndiyani akuunzai pano.

Zvichida kutsva kwenyu muchirova ndicho chinangwa cheakusiyai pano. Kuti ndicho chokwadi? Kubva haiwa, ibasa!

Comments

Popular Posts