Tomurangarira nemazwi, mbira, ngoma nehosho Chenje.

Mangwana izuva rekupembera nguva iyo takava naChenjerai Hove. Mutambo uyo uchaona vose avo vaakatamba navo vachisangana kunzvimbo yeQueensdale Sports Club uko vanhu vachange vachidavadika nenzira yekurava pamwe nekudetemba, mbira dzichirira.

Zvakanaka kurangarirana. Vanyori kazhinji aenda haana anorangarira. Aenda zvatosarira kumhuri kuti varangarirwe. MuZimbabwe airangararirwa achiunganirwa vanhu vachidavadika ndiDambudzo Marechera. Kwemakore akati kuti vanhu vaisangana vachipemberera zuva rokuzvarwa kwake vanhu vachirangarira kuti kudei ari mupenyu angadei ava papi nekunyora. Ipapo vanhu vanenge vachiita nduri dzake nedzavo.
Chenjerai Hove. Mufanikiso kubva padandemutande rehttp://3.bp.blogspot.com/

Kune vanyori vakatisiya vakawanda chose. Vamwe vakaita saYvonne Vera airangarirwa nekuda kwemakwikwi ekunyora nyaya pfupi paguwerere rezvemutambo netsika reIntwasa Arts Festival koBulawayo. Ava ndivo vashoma vane vari kuvarangarira. Vazhinji pavakaenda vakabva varova.
Chiitiko chamangwana chichasumudza nhunha dzavanyori dzakawanda dzinosanganisira kuti varemekedzwewo savagari vemunyika vakakosha mukuedza kusumudzira nyika nokuti ndivo vanosumudzira dzidzo munyika nokuveza zvacho zvinodzidzwa munyika kuburikidza nezvinyorwa zvavo.


Comments

Post a Comment

Popular Posts