Tsoka yangu

Tsoka Dzangu. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2015


Kwadzakasvika ndini ndinokuziva
Vakadziona ndivo vanodziziva
Vamwe vakaona ava matsimba
Vamwe ndokuhwa kuti ndakatsika kwavo
Padzakaonekwa kumwe vamwe vaidzishuvira
Padzaishuvirwa kumwe vamwe vaidziona
Tsoka dzangu ndidzo dzinonditakura
Kusvika kwaari mudiwa wemoyo
Kusvika kwaari akatora moyo
Kusvika kwarwuri rukuvhute rwangu
Kusvikayo kune pfumvudza 
Asi dzinoramba kunditakura kusvikayo nyika
Kwandinosvika ndakatakurwa kunyika yokwedu
Kwandakauya riya zuva dzisina kupfeka ndakatakura mumaoko
Ndigosvikayo dzisina kupfeka ndakatakurwa mumaoko

(c) Tinashe Muchuri 2015

Comments

Popular Posts