Kurira kwegandira mumambakwedza ezuva


During poetry and Dub session at the Book Cafe. Photo by Barbra Breeze Anderson


Vakarariro dzana machomani gandira richidandauka
Ini ndirimo mudumbu ndakavaremera kana kumbohwa
Kuchiedza ndakaona kunakidza kwengoma ndikati ndodawo kundoidzana
Iyo yainge yarara ichidaurwa yegandira
Nekuimba idzo dzemachomani dzainge dzarariro imbwa
Mhiri kwamusavezi baba nana Dabula nyunyuyeza chikomba chandizonda
Vakamanywa navo pachipatara kuchiedza
Handina kuvanetsa, nokuti zvandaive ndarara ndichiona ndaiva ndazvishuvira
Ndakamhanya zvakashamisa kana naivo Mbuya Nyamukuta
Vakandifarira, baba vakamhanya kuchovha runainai vakananga kumba kundounza nhumbi tsva
Mbuya nyamukuta pavakati zvakambopfekwa navana vavo muzukuru apfeke
Mai vakati chava kuramba, wangu haapfeki zvakambopfekwa neumwe mwana
Ndiyezve iye wega mwanakomana mumachekanhembe mapfumbamwe
Mufaro wakazara, kana nambuya nyamukuta vakadzokera kuchitoro kundotenga zvipfeko zvitsva
Baba vakazouya zvavo vowana ini ndatocheneswa nambuya nyamukuta pachipatara
Nhasi ndicharariro imba dzimbo dzinondinakidza ndichitamba ndichiridza muromo
Ndicho chipo chandakapiwa naIshe Musiki
Ndiriko Vamanzou mwanakomana wenyu muridzi wenduri ndigere
Kana mufaro ndinawo ndikafunga gandira, ndaisaziva ndichariridza nemuromo
Nduri dzichiyerera seRuyerera rwapfachukira kubva kugomo Marema

Comments

Post a Comment

Popular Posts