Baba VaShero naMadzibaba Nicholas Zacharia, nguva ndiyoyi



Musi wa13Kurume 2015 hope hadzina kubata, kwete nekuti ndaive nehope dzine madzikirira kana makaru-karu. Nyaya yaive yekuti Madzibaba Nicholas Zacharia (senior Lecturer) naAlick Macheso aka Baba VaShero vaive vachiitandadza vatsigiri vavo panzvimbo yePamuzinda.

Kuimba kwavo vari pamwe kwakadzora ndangariro dzangu kumusi wa23 Zvita wa1988 tiri mubhawa reRambanai panzvimbo yeJerera Growth Point kuZaka. Chikwata cheKhiama Boys chainge chauya kuzotitandadza takamirira kupinda muKisimusi yegore iri. Panguva iyi vaviri ava vaive vasati vava nemazita avhundutsa hana kana nzeve dzikahwa achidaidzwa. Vaive vasati vava nemazita akazvimirira ega sezvo vaive vachiridza vari pasi pechikwata cheshasha dzekuimba ichi Khiama Boys. Muchikwata ichi maiva nevaimbi vaiti, Nicholasa Zacharia, Alick Macheso, nevashakabvu vanoti Tineyi Chikupo, System Tazvida, naCephas Karushanga. Chikwata ichochi chaive nevasikana vainyera zvaimwisa mvura.Maggie Gweshe aivewo umwe wechikwata ichi. Musi uyu haubvi mundangariro dzangu nekuti waive musi wangu wekutanga kupinda mairidzwa mumhanzi kubva zvandainge ndatakurwa nababamunini vangu kundoona Thomas Mapfumo achiridza kuLow Veld kumakore ekupera kwema1970. Musi iwoyu ndaive ndaisiiwa ndakachengeta kumba kwehanzvadzi yangu iyo ichienda kunodya Kisimusi kumusha nevamwe. Ndakasarudza kusara zvangu paGrowth Point nekuti ndainge ndaona zita raTineyi Chikupo uyo andaifarira kaimbire kake apo mimhanzi yake yairidzwa munhepfenyuro yeZBC Radio 2 nemushamarari Joe Panganayi Mukaronda. 

Musi iwoyu ndiwo wandakahwa kambo kaya kembiri keKhiama Boys kainzi Mabauwa. Kambo aka ndakakada kunyangwe zvangu ndainge ndisati ndakanzwa kachiridzwa panhepfenyuro. Kaive kekutanga kukahwa. Ndakafarira chikwata cheKhiama Boys nekuti chainge chaita kuti ndiwane zororo rakanaka reKisimusi semunhu aive akamirira bvunzo dzake dzeZJC. Khiama Boys yaive naMadyamoto uyo aitamba nemoto. Madyamoto uyu kunyangwe zvake aive shasha yekutamba nemoto musi uyu akaita hwachidyamatovo akadzipwa neganda remhuru. Ndakaona kuti asvaurwa nemoto waaitamba nawo. Mugore ra1989 takapakurirwa Kubva Kure. Takatamba nayo Kisimusi. Takadzidziswa kusashorana, pamwe nekuitirana rudo. 

Chakauya ndechakauya chikwata ndokutsemuka. Yakava waziva kwake waziva kwake. Mushakabvu Chikupo akasiya asi haana kuzoita nguva refu asati ashaya. Cephas Karushanga akandotanga chakwe chikwata Mabhauwa Express icho Chakamupa mukurumbira nerumbo rwuye rwekuti John wekuMabvuku asingachengete. Uyu System Tazvida Wezhira Irombe akavambawo chakwe chikwata cheChazezesa Challengers achiimba musambo weMuseve waaidaidza kuti Smoko. Maggie Gweshe akazoenda hake ondogara kumba savadzimai vaMadzibaba Nicholas Zhakaria. Khiama Boys yakasara yava yaNicholas Zacharia ari pagitare renhungamiro (lead), Alick Macheso ari Padzovero, (bass) uyuwo Zacharia Zacharia ari pa mutinhimira (Rythm). Vakadai, vakazobatanawo navamwe kusimbisa chikwata cheKhiama.

Mumwedzi wazvita, mugore ra1997 ndaive ndave murume wechidiki. Ndaive zvino ndave kushanda kukambani inotakurwa midziyo yeWheels of Africa. Mumwedzi iwoyu taiva nemutambo weKisimusi watakaitirwa sevashandi. Mutambo uyu wakauya Khiama Boys kuzoridza. Zvino yaive yave klushevedzwa ichinzi Nicholas Zacharia and Khiama Boys. Madzibaba ndivo vainge zvino vave kutungamira chikwata. Waive musi weChishanu tichangobva pakudya kwamasikati apo takatandadzwa nechikwata ichi. Musi uyu takanakirwa chose. Hatina kuziva kuti waizove musi wekupedzesera kuti Khiama Boys iridze mimhanzi iri pamwe chete sezvayainge iri musi uyu. Kana kune mimwe mitambo yavainge vakaronga kupera kwevhiki iyoyo zvichida ndiko kwakava kekupedzesera. Musi weMuvhuro pakauya Madzibaba kuzotora muripo wavo webasa vakabva vapinda basa rekuchaira gonyeti. Vakabva vava muchairi wegonyeti. 

Pakazobuda nyaya zhinji dzekuti madzibaba vaive vaitira vadiki vavo hutsinye nekuvanyima zvekuridzisa. Asizve kune imwe nyaya isina kutaurwa maererano nenyaya iyoyi. Mazuva ayo Madzibaba vaiuya kubasa vaiperekedzwa nemunin’ina wavo Zacharia Zacharia nemotokari yavo yerudzi rwePiyuzha. Kazhinji kacho vaiuya zvavo vari vatatu nemudzimai wavo. Nyaya isina kutaurwa ndeyekuti chikwata chainzi, Nicholas Zacharia and Khiama Boys. Zvino vadiki ava pavaida kuridza vaigona kubvunzwa kuti ko, iye mutungamiri wechikwata aripi? Izvi zvaigona kumutsa bongozozo apo vatsigiri vechikwata vainge vave kuona kuramba kwavakomana vachishandisa maposita akanzi Nicholas Zacharia and Khiama Boys sekuvabira mari yavo. Zvinogona kuva zvakazopa kuti vadiki ava vavambe chavo chikwata chakazonzi Orchestra Mberikwazvo icho chakavamba nedambarefu raive nekambo kainzi Pakutema Munda ako vazhinji vakagutsikana kuti kaiimbirwa Madzibaba neshungurudzo yavaive vapa vadiki vavo.
Panosiyana vanhu, vanhu vane zvizhinji zvekutaura. Kazhinji kacho marehwa-rehwa aya anenge ari manyepo. Vadiki ava vakavamba chikwata chitsva kuitira kuti vasanyepere vatsigiri vavo kuti chikwata chichiri kufamba naMadzibaba ivo vaive vasarudza kufamba negonyeti vachidambura  miganhu yedzinyika.

Pandakavanzwa vaviri ava vachiridza nekuimba vese paPamuzinda ndakabva ndati nguva ndiyoyi yekuti vaimbi vaviri ava kuti vabure dambarefu idzva vakabatana kuti vadzore ndangariro dzavatsigiri vavo vavakabva navo kumavambo. Nguva ndiyoyi yekutandadza vatsigiri vavo, kwete avo vachawana mukana wekuenda kumitambo mizhinji yavachaita pamwe chete asiwo neavo vanenge vari kudzimba kubirikidza nekuburitsa dambarefu idzva. Nguva ndiyoyi nekuti kushandirapamwe kwevadavadi inzira inosimudzira pamusorosoro kutandadza vanhu mune zvemimhanzi. Nguva ndiyoyi yekuti Madziba naBaba Shero vasimudzire mureza wesungura pachinhano chepamusoro. Nguva ndiyoyi isingadi kuraswa. Nguva ndiyoyi Baba VaShero naMadzibaba yekuti mubatane kubura dambarefu rimwe chete rekudzora ndangariro dzavatsigiri venyu vakabva nemi kure kuya pana Kubva Kure.

Comments

Popular Posts