Musangano weZWA mumaziso aTinaye Muchuri


Musi wa7 Kurume vanyori veboka reZimbabwe Writers Association vakaungana kuti vakurukure nzvekutsikiswa kwezvinyorwa muZimbabwe. Pagungano irori paivawo nekamwe kakomana kasati kagona kunyora mashoko asi kakati kaida kunyora zvemusangano uyu nemifananidzo.
Chirikure Chirikure achipa muono wake nezvenyaya yaiva mudariro.
Chigaro chaive chisina akagara chiri mutereri kunyaya dzaikurukurwa.
Barbra Anderson achiterera kuna Cynthia Marangwanda achitsanangura zvakamusunda kuti anyore bhuku iro rakazomuwanisa ruremekedzo rweNAMA muhurongwa hwayo hwegumi nena.
Chipo Musikavanhu akaterera kuna Cynthia Marangwanda achitaura nezvakamusutsa kuti anyore nyaya inova bhuku rinonzi Shards.
Vanyori vachidzeya nyaya yekushandisa madandemutande senzira yekutsikisa zvinyorwa zvo iyo yaitungamirirwa naLimbikani S. K. Makani.

Comments

Popular Posts