Zvakaita mukati medzimba dzokubikira dzekumaruwa

Ndizvo zvakaita muakti medzimba zhinji dzekubikira kumusha. Uko pedyo nekune ndiro upo ndiko kukabati. Apo pane mapoto ndipo pachikuva. Ipapa ndipo panopirirwa midzimu yavanhu. Pachoto ndipo panobikwa zvinodyiwa nemhuri yose. Zvose zvinodyiwa kuti mhuri ive nehutano zvabva muminda zvikaiswa mumatura, mupfimbi uyewo zvabva kumasango. imba yekubikira ndiyo imba izere neutano hwevanhu ndiyowo imba inomwirwa hwahwa hwebira. Muimba iyoyi ndimo munoradzikwa vafi vedu zviya vasati vaenda kunochengetwa kuhwiro hwavo. Hakuna asingapindi mumba iyi. Makare mumba iyi maigarwa navanhukadzi uye ndimo maidzidzisirwa vanasikana kubika zvinonaka. Nekuuya kwakaita kusanduka kwehupenyu nekuda kwekuuya kwavatorwa imba iyi yavawo nenzvimbo inodaidzwa ichinzi chigaravakwati kana kuti rubhenji kune dzimwe nzvimbo apo pava kugarwa navanhurume uyewo namadzimai. Musadherere imba iyi nokuti ndiyo inokunamata kose kwemunhu wechitema. Kunyange mazuva ano vanhu zvavava kunamata nenzira yechiKristu, vanonamatirawo zvakare muimba iyoyi saka pane imwe misha ndiyo imba hombe kudarika dzose kuitira kuti ikwane kugara munhu wese.
Kuchikuva, mufananidzo naTinashe Muchuri. Wakatorwa kumana rekwaGaura kwaMurehwa.

Comments

  1. The importance and relevence of the cooking hut in the Shona culture substantiate beyond the dictionary meaning of the noun kitchen

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts