Matamba



Michero yakawanda musango inonaka. Damba rine mhando dzakasiyana-siyana dzinosanganisira ume. Damba rinogona kudyiwa nenzira dzakasiyana-siyana. Rinogona kudyiwa nenzira yekutora muto waro vanhu muchiisa mubota. Bota ramatamba rinonaka zvekudambura rurimi. Bota ramatamba rinonzi mutandabota. Ganga redamba rinoshandiswa muto waro kurapa tsanga dzamaziso emombe. Ganga ndiro damba mbishi. Damba risinonyatsoibva rinosakisa munhu kusumuka moyo.
Mutamba. mufananidzo naTinashe Muchuri
Kare-kare vanhu vaigadzira gurwi kubva padamba iro vaiboora maburi matatu vobvisa munyepfu wese kubva mukati maro. Kana raoma zviya vaibva vatanga kushandisa gurwi iri. Gurwi chiridzwa chinoshandiswa navakomana kana vasikana vachivaraidzana zvavo. Buri repakati rinenge riri pamuromo, minwe ichipota ichivhara maburi kuti mweya uzare mukari uchirira zvinoburitsa mutakunanzwa wemimhanzi une muririro wakasiyana-siyana. Ndikovo kuvaraidzana kwaiita vanhu makare. Kugona kuridza gurwi iri kwaiwanisa.
Damba muchero unofarirwa nembudzi. Nguva yamatamba unoona mbudzi dzichidzetaira pasi pemitamba kutsvaka mhodzi dzematamba dzasvisvinwa navakomana. Makudo ndiwo mamwe anofarira matamba.
Mutamba kana uri mumunda hautemwi. Unosiiwa wakadaro nokuti vanhu vanoufarira kudya vana vawo kana vaibva. Muto wamatamba unogona kushandiswa kugadzira hwahwa hunokora chose. Mbudzi dzinofarira mashizha emutamba kana achiri kungobukira. Mombe naidzo dzinodya mashizha ematambawo sezvinoita mbudzi. Apo mutamba unenge uchikura unoita mhango. Mumhango dzemutamba ndimo munofarirwawo kugarwa nezvidhambakura. Zvidhambakura imwe yedzimwe mhuri zhinji dzezvidhanana. Chidhambakura chine musoro une ruvara rwedenga. Kune fungidziro yekuti mheni inodya chidhambakura izvo zvinoita kuti mheni irove mitamba ichitsvaka kudya kwayo uku. Asiwo vanhu vanorivara kuti mheni inonzi inorova icho chinenge chakareba kudarika zvimwe zvose. Mitamba kazhinji kana kuri kuminda ndiyo inosara yakareba kudarika imwe miti yose nokuti iyo haitemwi. Kwenyuwo mutamba munoitei nawo?

Comments

Popular Posts